Zimsec yodhinda yoga mapepa ebvunzo
Abigail Mawonde KANZURU inoona nezvebvunzo, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), yakatenga muchina wekudhinda mapepa ebvunzo rinove danho rinotarisirwa kuderedza nyaya dzekuburitswa kwemapepa ebvunzo nechikiribidi.
Zimpapers Cancer Walk yakabudirira
Muchaneta Chimuka AKANGE ari makuwerere nomusi weMugovera wadarika apo kambani yeZimpapers yakabatana nesangano reIsland Hospice nevamwe vatsigiri vane chitsama mukuita zvirongwa zvekufamba kwechinhambwe chemakiromita mashanu mumaguta eHarare, Bulawayo neMutare nechinangwa…
Mbavha yemuzvitoro yopika jeri
Muchaneta Chimuka MUKOMANA wechidiki wekuChitungwiza — wekupaza chitoro chemuridzi achiba magirosari achitengesa — akazoigochera pautsi apo akabatikidzwa ndokusungwa.
Zim ine maguta: gmb
Muchaneta Chimuka KAMBANI yeGrain Marketing Board (GMB) inoti iri kutarisira kuwana matani 1,2 miriyoni echibage mumwaka wa2018 uye izvi zvinoreva kuti Zimbabwe ine kudya kwakakwana nekudaro haizi kuzotenga chibage kubva…
N’anga yony’udza tsotsi
Fortunate Gora ari kuCHINHOYI MURUME wekuBanket, kuChinhoyi — wekupomerwa kuba mombe mbiri achibatsirana nemunin’ina wake — anonzi akazofumurwa humbavha uhu neimwe n’anga mushure mekunge aenda kwairi achida kubatsirwa kuti asasungwe…
Mapfunde ane pundutso
Wendy Madzura KURIMA kwaveko mazuva ano kwave kwemhando yebhizimusi nokudaro varimi vanokurudzirwa kuti vasarudze mbeu nehungwaru hwekunzwisisa goho raanowana, mamiriro emwaka uye zvirongwa zvaanenge anazvo mwaka unotevera.
‘Itai mabhindauko akasiyana’
Muchaneta Chimuka MUIMBI wechidzimai ari kusimukira mumusambo weSungura anoti zvakakosha kuti vaimbi vavandudze mabasa avo kuburikidza nekuita mamwe mabhindauko akasiyana kwete kungomirira kuita zveminhanzi chete.
HIV: Musatore mishonga yenhema
Tadiwa Nyatanga-Pfupa SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinozivisa vanhu vose vari kutora mishonga yemaARVs nevamwe vachazenge vachitora mishonga iyi kuti vashandise bedzi yavanenge vaudzwa nevanoona nezveutano.
Zvidhoma zvovaita ‘party’
Kingstone Mapupu IMWE mhuri yekwaMurehwa inoti yaoneswa ndondo nezvidhoma, mapere, katsi nenyoka izvo zvavanoti zvinoita “party” pamba pavo zvichizara chivanze chose zvekuti vanhu ava vanotombopata musha vachitiza.
‘Tinoda maticha eSainzi’
Elita Chikwati BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina rinoti rinoda kudzidzisa maticha ezvidzidzo zveSainzi akawanda sezvo ruzivo urwu rwakakosha mubudiriro yenyika.









