Makore 112, vazukuru 240
Kingstone Mapupu CHEMBERE yava nemakore 112 ekuberekwa — iyo ine vazukuru 40 nezvizukurubvi 200 — inoti yararama kwemakore akawanda nekuda kwenyasha dzaMwari, kuzvibata nekudya chikafu chechinyakare. Chembere iyi inoudza vamwe vanhu…
Zimbabwe yakashaina. . . yakaita No. 4 panyika 81
Daphne Machiri ZIMBABWE yakadadisa nguva pfupi yadarika apo yakahwapura mukombe wechina pakati penyika 81 dzepasi rose mumakwikwi evechidiki ezvigadzirwa zvesainzi e69th Intel International Science and Engineering Fair ayo akaitirwa kuPennsylvania,…
NetOne yakapa $25 000 kunbsz
Muchaneta Chimuka KAMBANI yeNetOne svondo rapera yakapa rubatsiro rwe$25 000 kuNational Blood Service Zimbabwe (NBSZ) yekusimudzira zvirongwa zvine chekuita nekupa ropa pamwe neutano munyika. Vachitenda rubatsiro urwu, chamangwiza veNBSZ, Mai Lucy…
Mwana wekuzvimba dumbu akaburitswa 18kg chinyama
Kingstone Mapupu MWANASIKANA wekuBuhera ane makore 16 okuberekwa — uyo akabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika achiti atambudzwa nedumbu raingozvimba — akazobatsirwa apo akavhiiwa pachena kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital ndokuburitswa zinyama…
Dambudziko rezvikoro kuKanyemba
Elita Chikwati aiva kuKANYEMBA VAGARI vemunharaunda yeMariga, kuKanyemba, kudunhu reMashonaland Central, vari kuchema-chema nekushomeka kwezvikoro uko kunonzi kuri kukonzera nzara, hurombo nekukasika kuroorwa kwevanasikana. Munzvimbo iyi mune zvikoro zvishoma zvekuti pane…
‘Chipo hachina zera’
Gamuchirai Muzanenhamu MUKOMANA ane makore 19 okuberekwa ari kusimukira munyaya dzekutsikisa mafirimu okurudzira vamwe vechidiki kuti vasatye kutaridza matarenda avo achiti chipo hachina zera. Paul Zibgowa – uyo achangobva mukubura firimu…
Seed Co yakabatsira Copota
Malven Mugadzikwa KAMBANI huru pakuuchika mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, svondo rapera yakapa rubatsiro rwematani mashanu ehupfu kuchikoro chevana vanorarama nehurema, cheCopota School for the Blind, icho chiri kuMasvingo. Vachitaura pachiitiko ichi,…
Ngozi yekuda nzou 50: Hapana chati charipwa
Kingstone Mapupu NGOZI yemurume wekufa nekupondwa wekwaNembudziya, kuGokwe — iyo ine mweya uri kuti unoda kuripwa nenzou 50 nemombe 60 — iri kunzi haisati yaripwa. Nguva pfupi yadarika, bepanhau reKwayedza rakaburitsa…
Tsika dzedu dzanangepi?
MAZUVA ano kune vamwe vanhu — vechidiki zvose nevechikuru — avo vari kurasa hunhu zvekuti unosvika pakuzvishairwa shumo yazvo. Kana kuti uti chiRungu chakati kuuya ichi, icho chinonzi chakauya nechirungurira,…
Haye osendeka tsiva
DAVID Haye (37) ari kutarisirwa kusendeka magirovhosi ake etsiva izvo zvichamuona achizorora kubva mumutambo uyo waatamba kwemakore anodarika 16. Izvi zvinotevera mashoko ange achibva kuruzhinji ekuti shasha iyi ngaichisiya tsiva.











