Grade 7: Dzimwe mhando dzezvekudya
Ticha Danga CHIKAMU chevhiki ya25 Chivabvu 2018 takakurukura nyaya yezvekudya zvemusango apo takabata mhando dzemadora, dzembeva uye dzehohwa. Saka tati regai timbovandudza chikamu ichocho tichitarisa dzimwe mhando dzezvekudya dzakatangwa navasharukwa…
Spaghetti nenyama yemombe
SPAGHETTI kudya kwakareruka uye kune utano sezvo kuchipa macarbohydrates nemapuroteni. Svondo rino, Richard Sakurima wekwaMutare anotitsanangurira mamwe mabikirwo espaghetti yakasangana nenyama yemombe. Zvinodiwa? Nyama yemombe, spaghetti, matomatisi, hanyanisi, green pepper,…
hd otsikisa dvd raUsandisiye
Abel Ndooka MUIMBI weAfro-fusion neJazz – David “HD” Hondoyedzomba – anoti vaimbi ngavakoshese kubika mavhidhiyo kuitira kuti vafambirane nenguva sezvo anobatsira zvikuru mukuburitsa zvizere rwiyo rwunenge ruchiimbwa. HD, uyo parizvino ari…
Pamwe iwe ndiwe wapwanyika pfungwa
MUGOVERA Ndakaenda kumuchato weshamwari yangu Manu ndakachena kunge maModel emuMagazine chaiwo. Ndakanga ndagerwa cut ndikaiswa kamwe kamushonga kakasiya ndebvu dzangu nevhudzi zvave kuyerera sederere. Ndakazvitora maSelfie hobho ndisati ndazobuda ndave…
Ngatishandisei ivhu zvizere: Shiri
Abel Ndooka GURUKOTA rezveminda, kurima nekusimudzirwa kwemadiridziro – Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri – vokurudzira varimi kuti vashande nesimba kuti Zimbabwe idzokere padanho rayo rakare rekuve dura rezvirimwa mudunhu…
Ticha orohwa vana vechikoro vakayeva
Janet Chari MUDZIMAI anoshanda semurairidzi anoti haana rugare nekuda kwekatsika kari kuitwa neaimbove murume wake uyo anomuvinga kuchikoro kwaanodzidzisa achimurova pamberi pevana. Edith Musumhi akamhan’arira Kudzanai Gumende kudare reHarare Civil Court…
Ndinokorobheswa makuva: muroora
Kingstone Mapupu MUROORA weimwe mhuri yemubhuku raMbizi, kuVillage B, kwaKowo, kwaMutoko, anoti ava kusvuuka kana kuti kuvhunura muviri wake wose mushure mekunge amanikidzwa kukorobha makuva evatorwa ikoko achishandisa jira raanomonera…
Sarudzo Chikunguru 30
Tandayi Motsi PRESIDENT Mnangagwa neChitatu svondo rino vakatara musi waChikunguru 30, 2018 kuti ndiro zuva richaitwa sarudzo dzenyika. Apa ndipo pachavhoterwa mutungamiriri wenyika, vamiririri vematunhu mudare reParamende pamwe chete nemakanzura. Zuva…
Tezvara vakabatikidzwa nemuroora
Kingstone Mapupu VAGARI vekwaMasembura, kuBindura, svondo rapera vakasara vasina nechekutaura zvichitevera nyaya yavamwe tezvara avo vanoshanda samukoti uye vari muporofita, avo vanonzi vakawanikidzwa vachishinha nemuroora wavo muimba yepabasa. Thomas Pfupa…
Mukana weAfrica kuWC . . . vamwe vanoti Nigeria, Senegal
Abel Ndooka MUMASVONDO mashoma anotevera, pasi rose richange rakatarira kutanga kwemakwishu makuru enhabvu eFifa World Cup 2018 kuRussia apo zvikwata 32 zvichatatsurana mumutambo uyu. Mutambo uyu uchatanga musi wa14 Chikumi uye…








