Messi oshuwira World Cup

MUTAMBI weArgentina, Lionel Messi, anoti anoda chaizvo kuhwina mukombe weWorld Cup iyo ichatanga masvondo mashoma ari kutevera kuRussia. Shasha yeBarcelona iyi haasati ambohwina mukombe mukuru achitambira nyika yake uye

Varimi vochema nemakoronyera

VARIMI vakagariswa patsva kuminda yekudiridzira yeCashel Valley kwaMutambara, kuChimanimani vanoti havasi kuwana mari inovapa pundutso mukurima kwavari kuita zvichitevera makoronyera anouya kuminda yavo achitenga zvirimwa nemari shoma zvikuru. Nekuda kwekudhurirwa…

Mwana (12) akafushirwa ari mupenyu

Muchaneta Chimuka MUNYAYA inosiririsa zvikuru, kuZaka kune kamwana kakomana kemakore 12 ekuberekwa ako kakafa pazororo reAfrica Day mushure mekunge kadhirikirwa nemavhu epamacheto wegomba rakaiteya shiri. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMasvingo, Assistant…

‘Ndinozadzwa sti nemurume wangu’

Gamuchirai Muzanenhamu MUKADZI akaroorwa ari kudunura achiti murume wake anogara achimuzadza zvirwere zvepabonde uye anotora vana achienda navo kushamwarikadzi dzake uko vononorezvana vana ava vachiona. Milfred Kamota akaendesa Special Mudzingaidzwa kudare…

Mufushwa wemutsine

MUFUSHWA wemutsine kudya kwechivanhu kunokurudzirwa sezvo kuchipa utano. Mumufushwa tinowana Vitamin A, B neC. Svondo rino Tecla Moyana wekuChiredzi anotsanangudza mamwe mabikirwo emufushwa uyu. Zvinodiwa: Mufushwa wemutsine, mafuta, munyu, dovi,…

Tsigirai indasitiri yemuno: gmaz

Muchaneta Chimuka SANGANO reGrain Millers Association of Zimbabwe (GMAZ) rakaendesa magwaro echikumbiro kuHurumende kuti imire kupa bvumo mapoka akasiyana ekuti atenge chibage nehundi yegorosi (wheat bran) kubva kune dzimwe nyika…

Mhondi dzakatora hura, netsoka dzemunhu

Kingstone Mapupu MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuchekeresa munhu, murume anga achishanda semufudzi wemombe pane rimwe purazi riri kuRushinga, anonzi akawanikwa akapondwa – dumbu rake rikavhurwa, hura ndokuburitswa uye makumbo…

Mwana mbavha oparira mubereki

Janet Chari MWANAKOMANA mbavha aparira amai vake avo vanoti vava kuoneswa pfumvu nemuvakidzani wavo achiti ari kubirwa mari nezvimwe zvinhu zvake. Angeline Mbonga akamhan’arira Locadia Mhashu kudare reHarare Civil Court achiti…

‘Vana tevedzerai chivanhu’

Malven Mugadzikwa VECHIDIKI vanofanira kukoshesa tsika dzechivanhu uye kukura vachidzidziswa hunhu hwakanaka nekuti chizvino-zvino chave kuita kuti vamwe vavo varasike. Mashoko aya akataurwa naMai Getrude Katena, avo vanove mukuru weSelborne Routledge…

Zvoto zvine mazera

ZUVA resarudzo dzegore rino rakaziviswa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa, kubudikidza nezvakanyorwa mubumbiro remutemo wenyika, uyewo zvichitevera zvavakavimbisa vari kudunhu reManicaland masvondo maviri apfuura. Vanhu vari kuenda kusarudzo musi weMuvhuro,…

×