‘Dzosa marata angu’

Janet Chari
MUKADZI wekuzama kushandisa dare kunzvenga kubhadhare mari yemarata emuvakidzani wake ayo aaparadza, asi ndokunzi nemapurisa anofanira kuatsiva, akashaya pekupinda zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake. Lucy Chekumanyara akaendesa Memory Kagovero kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kuenda kumba kwake kunomutuka nekumurova.

“Anouya kumba kwangu aine banga achiti anoda kundiuraya saka ndave kutotya kufamba kana kubuda panze nokuti anogona kungondibaya,” anodaro Chekumanyara.

Chekumanyara anoti mwedzi wapfuura, Kagovero akamurova akakuvara pamhanza asina chaanga amutadzira.
Kagovero anoudza dare kuti Chekumanyara ndiye ari kutomushungurudza nokuda kwekuti ari kutadza kunzwisisa paanoedza kutaura naye pamusoro penyaya yemarata ake aakaparadza zvinova zvinozomupa hasha dzekumutuka, kwete kumurova.

Mutongi Manasse Musiwa akarasa chikumbiro chaChekumanyara ndokuti vaviri ava vanofanira kuenda kunogadzirisa zviri kunetsa murunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *