O-LEVEL — Manyambiri: Tsika yekuzvarira

Munyaradzi Gunduza
MADINGINDIRA anobuda murungano:
Chinonzi dingindira ipfungwa huru dzinenge dzichibuda murungano. Kazhinji rungano rwunofamba kuburikidza nemadingindira anenge akarongwa nemunyori.

Madingindira aya ndiwo anoita kuti tikabvunzwa kuti rungano rwuri pamusoro pei tinokwanisa kutaura zvarwuri pasina kana kukakama.

Madingindira anowanikwa pamhando mbiri; makuru nemadiki. Makuru ndiwo anenge achinyanya kubuda murungano kubva kumavambo kwerungano kusvika kumagumo kwaro.
Zvino tichatarisa mamwe emadingidira anobuda muna Manyambiri.

Muna Manyambiri munobuda dingindira rekukoshesa midzimu. Tinoona kuti munyika yaMambo Njeremavhu midzimu yaikosheswa zvikuru. Mindya anobvunzwa nezvekuzvarwa kwemapatya uye zvaanotaura zvekuti achengetwe asi asazoroorwa namambo zvinotevedzerwa.

Zvimwe chete zvinobuda mambo pavanoshevedzwa naMindya vachiudzwa kuti vadzinge Paida mumusha mavo nekuti yaive ngozi.

Dingindira rekuzvarira vana: Tinoona kuti pakati paPaida naPaido pane mumwe chete akanga azvarirwa kuimba youmambo zvinove zvinoita kuti mapatya aya asauraiwe.

Hukama hwese hwakazovepo pakati paRufuse naMambo Njeremavhu hwakanga hwasimbiswa nekuda kwetsika yekuzvarira yakanga ichitevedzwa pasichigare.

Zvinoonekwawo zvakare kuti tsika yekuzvarira vana yakanga ichikonzera kunetsana mukugarisana kwevanhu.
Tinopedzisa mamwe madingindira makuru anobuda muna Manyambiri svondo rinotevera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *