Rume rine makaro . . .akaparadza dzimba apihwa sadza diki

Sukoluhle Ndlovu ari kuMBERENGWA
MURUME wemubhuku raPoyi, kwaMambo Mapiravana, kuMberengwa, akamuka chibhebhenenga ndokupwanya gonhi nemahwindo epamba paambuya nasekuru vake mushure mekunge vanetsana nenyaya yesadza. Nyaya iyi yakabuda mudare reMberengwa Magistrates’ Court apo Lewis Mukwaya (28) akamiswa pamberi pemutongi Evia Matura akachitarisana nemhosva yekuparadzwa midziyo.
Murume uyu anobvuma mhosva yake.

Mukwaya akashamisa vanhu vaive mudare iri apo akati akapwanya zvinhu izvi nekuda kwenyoka yaanoti anoona muzviroto zvake.

“Mambo wangu, ndinodemba zvikuru nezvandakaita, asi hapana zvandaikwanisa kuita. Husiku hwoga-hwoga ndinorota ndichiona nyoka inenge ichinanzva tsoka dzangu uye pandinomuka, ndinenge ndisingazive zvandinoita,” anodaro.
Zvisinei, mutongi Matura haana kugamuchira tsananguro yaMukwaya achiti iyi inzira yekuda kunzvenga mhosva.

“Uku kungotaura kwauri kuita kuda kutsigira zvawakaita. Zvawakaita hazvitarisirwe, unotarisirwa kunge uchichengetedza sekuru naambuya vako asi wakaita zvirisi izvo.

“Nekudaro unotongerwa kugara mujeri kwemazuva 30 uye mutongo uyu uchasendekwa padivi paine chidzidzo chekuti ucharipira vamhan’ari $63 (yezvinhu zvakaparadzwa),” anodaro mutongi Matura.

Muchuchisi Wadzanayi Shayanewako anoudza dare kuti nemusi wa9 Chivabvu gore rino, Mukwaya akapinda mumba munorara ambuya vake, Sheila Sibanda, ndokutanga kuvatuka nezvinonyadzisira achivapomera kuti vakange vamusiira mukonde wesadza mudiki.

Sibanda akaenda panze apo Mukwaya akatora demo ndokurishandisa kupwanya gonhi nemahwindo matatu emba iyi.
Akazobuda mumba umu ndokuenda kumba kwaive nasekuru vake, Nhondo Konoliwe, uko vainge varere, ndokutora chitanda icho akashandisa zvakare kupwanya mahwindo mapfumbamwe emba iyi.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Mukwaya asungwe.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×