Opomerwa kubata mwana mazamu

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuChitungwiza akamiswa mudare reko akatarisana nemhosva nhatu dzinoti yekubata mazamu ekasikana kane makore 16 ekuberekwa, kukarova pamwe nekuba mushure mekusanzwisisana panyaya yemari yehuku idzo akahodhesera vabereki vemwana uyu nechikwereti.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts — Yeukai Chigodora — akati musungwa, Edson Matengu (44), wepanhamba 32510 Unit P, atumirwe masamanisi ekusungwa mushure mekusauya kwake kudare.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa16 Kukadzi gore rino munguva dzemanheru, Matengu anonzi akaenda kubhucha revabereki vemumhan’ari (uyo watisingaburitse zita rake sezvo achiri pwere) achida kuti anopihwa mari yehuku dzaakavahodhesera asi akawana vasipo.

Mumhan’ari akabva amuudza kuti vabereki vake vakanga vaenda kurufu kumusha nokudaro akanga asina mari yekuti amupe.

“Akabva akumbira nhamba dzavo dzefoni ndichibva ndamupa asi paakafona dzakaramba nekuda kwekunetsa kwemasai-sai.

Akatanga kundituka (nezvinyadzi) mushure ndokuzouya kuseri kwekaunda yemubhucha achibva andibata mazamu nemagadziko.

“Ndakamusairira kure apo akanga ava kuda kundipa hagi achibva andiwatsura nembama kumeso,” anodaro mwana uyu.

Mushure meizvi, Matengu anonzi akatora sikero yaiva mubhucha umu achiti ndiyo inoenderana nechikwereti chemari yake.

Huku dzaakanga ahodhesera vabereki vemunhan’ari dzinonzi dzaikosha $45 asi akanga akapihwa imwe mari kukasara chikwereti che$9.

Munin’ina wemumhan’ari aivewo muchitoro ichi akapupura mudare semufakazi achiti panguva yaanonzi akamubata mazamu nenhengo yakavandika, Matengu aitaura mashoko ekuti anoda kuroora mumhan’ari asi akazorumwa zvikaita kuti amuregedze.

Vabereki vemwana uyu vakapupurawo mudare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *