Japan yakapa $1m yechikafu

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yeJapan yakapa $1 miriyoni kusangano reUnicef neWorld Food Programme yekusimudzira kuwaniswa kwezvekudya pamwe nenyaya dzeutano.

Vachabatsirika pasi pechirongwa ichi vanosanganisira vanotambura vakadai semadzimai nevana.

“Chirongwa ichi chiri kutarisirwa kuti chinge chichibatsira vanhu 129 581 vari mumadistricts 11 ayo akatarisana nenzara uye dambudziko remafashamu muZimbabwe.

“Pamusoro pezvo, chirongwa ichi chichawanisa kudya kunovaka muviri munzvimbo dzakadai seTsholotsho, Mutoko, Cenentary, Mbire neMt Darwin,” vanodaro VaTitus Moetsabi vanova mukushi wemashoko mukuru kusangano reUnicef.

Chichabatsira zvakare Hurumende kuti inge ichizadzikisa zvinangwa zvayo (Sustainable Development Goals), zvikuru sei Goal nhamba 2 iyo ine chinangwa chekurwisa nzara uye Goal nhamba 3 ine donzvo rekuchengetedza utano hwakanaka.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *