‘Ndofira tsvina yevana here?’

Malven Mugadzikwa
MUKADZI wemuHarare anoti haasisina rugare nemuvakidzani wake uyo ave kufamba nebanga achiti anoda kumubaya naro zvichitevera kunetsana kwavari kuita nenyaya yevana vake vane tsika yekuitira tsvina mumunda une zvirimwa zvake. Moleen Parakinyu akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Ruvimbo Mapfumo.

“Vakuru vedare, ndauya kuno ndichitsvagawo kugadziriswa nemuvakidzani wangu kuti pave nerunyararo pakati pedu. Nyaya iri kunetsa ndeyekuti ndakawirirana naye kuti tirime munda mumwe chete tose asi dambudziko rakauya mbesa dzatokura. Vana vake vava kuitira tsvina mumunda une mbeu dzatakarima tose,” anodaro Parakinyu. Parakinyu anoti Mapfumo ava kumutuka zvinonyadzisira uye kumuvinga nebanga pamba pake achivimbisa kumuuraya nenyaya yetsvina iri kuitirwa mumunda nevana vake.

“Handizivi kuti ingave mhosva yekuburitsirana mapanga here iyoyo, yekuti munhu atsiure vana vake kuti vasaitire tsvina mumunda. Ndanzwa nekutukwa pane veruzhinji nezvimwe zvinhu zvisingaite pane vanhu.

“Ini handigoni zvekutukana naye kana kufambawo nerangu banga, asi ndaona kuti zviri nani kuuya kuno kudare ribatsire kuchengetedza runyararo pakati pangu naye. Ndava kugara ndichitya nekuti ava kufamba akaisa banga muhembe, handizivi kuti anozofungei tikasangana pasina veruzhinji,” anodaro.

Mapfumo haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Mutongi Larzin Ncube akapa Parakinyu gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *