Saka maiurayirei nyoka iyoyo?
naIgnatius Mabasa VANHU vatema vanotya, uye kutya kwavo kune chikonzero. Kana Satani akakwanisa kushandisa nyoka sesvikiro, pese patinoona nyoka tinongofunga kuti adzoka.
Varimi vodzidziswa kupfuya hove
Kingstone Mapupu BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority rinoti rakatanga zvidzidzo zvekupfuya hove kuvarimi vanodarika 200 munyika nedonzvo rekuti vavandudze mabasa avo.
‘Zvekushushwa handichada’
Gamuchirai Muzanenhamu MURUME wekuendeswa kudare redzimhosva neaimbova mudzimai wake achinzi ari kumudzinga pamba anoti kana naiyewo ari kudzingwawo pamba apa nemukadzi uyu. Adelene Madzinya akamhan’arira Luke Kuvheya kuHarare Civil Court…
Kurimwa kwefodya kwosimudzirwa
Muchaneta Chimuka VARIMI vefodya vanodarika 5 360 munyika vachabatsirikana zvikuru pasi pechirongwa cheHurumende cheUS$28 Million Tobacco Input Credit Scheme chekuti vakwanise kuwana mari yekutenga zvekushandisa mubasa ravo.
Mavambirwo erondedzero
Ticha Danga MURWI wehondo kana achinge aita tsvakurudzo yemuvengi waachada kuzorwisana naye, anobva aunganidza zvombo zvaanofunga kuti akazvibata chete haachavhunduki. Anobva asunga dzake kuti anorwisa muvengi wake nekuti anoziva kuti…
Chinonzi ngano chii?
Munyaradzi Gunduza NGANO mutambo wepasichigare waitambwa nasarungano nevateereri munguva dzemanheru, kunyanya mumwaka weChirimo.
Chenjererai maporofita!
KUNE chirevo chinoti chivi chinodya mwene wacho, kureva kuti kana munhu akaita zvakaipa, zvinozomudzokera. Muenzaniso ndeweimwe nyaya yatinayo svondo rino, nyaya yemuporofita anonzi akaonekwa aine mukwesha wenyoka, mari yemanyepo
Muporofita akamonererwa nenyoka yake…Mumota muine tsapo yemakondomu nemabhurugwa echikadzi matsaru
Kingstone Mapupu VARUME vaviri avo vari kufungirwa kuti muporofita enhema vakazorumwa nechekuchera svondo rino — vakarohwa kunge nyoka yapinda mumba neveruzhinji pakati peguta reHarare apo vanonzi vakaedza kuchinjisa mari yemaUS$…
New Curriculum inoita – Maticha: ‘Ndipo panobuda matarenda evana’
Abel Ndooka VARAIRIDZI vemuzvikoro zviri muHarare vari kurumbidza chirongwa chekuvandudza dzidzo yepuraimari nesekondari, cheNew Curriculum, vachiti chakanaka sezvo chichipa vana mukana wekuratidza zvipo zvavo kunze kwekungogona kunyora
Muroora oparika baba nemwana
Kingstone Mapupu MURUME wekwaNyashanu, kuBuhera, anonzi akabuda pachena kuti ari kudanana moto nemuroora wake izvo zvakaita kuti azodzikwa demo nemwanakomana wake — muridzi wemukadzi uyu — baba ava ndokuzoripiswa mombe…





