NetOne yorerutsira ruzhinji

Munyori weKwayedza — KAMBANI yeNetOne yakaparura zvirongwa zvitsva zviviri izvo zvakananga kurerutsira makasitoma ayo kuti awane nharembozha dzepamusoro nemitengo yakaderera uye kuti vakwanise kuviga vafi pasina dambudziko.

Psmas pfee neShield Plan

SANGANO rePremier Service Medical Aid Society (PSMAS) raparura chirongwa chakareruka pamutengo asi chichisiya vanhu vachinyemwerera nemufaro. Chichidaidzwa kuti Shield Plan, chirongwa ichi chine mitengo yekurapwa iri pasi nedonzvo

Rwendo rwuno tarwadziwa!

MAGAMBA akarwa nenzira dzakasiyana-siyana muhondo yokusunungura nyika ari kutorwa rumwe-rumwe.

Chibage choparadzwa nerukonye

Kingstone Mapupu — VAMWE varimi vechibage chemuchando vekunharaunda yaMambo Goronga kuMudzi, kuMashonaland East, vochema-chema nekuda kwerukonye urwo ruri kuparadza zvirimwa zvavo.

Chapeyama ozadzisa mashoko ake

Ray Bande — MUTARE Polytechnic Vice Principal, VaHarris Chapeyama, avo vakagadzwa pachigaro ichi munaNyamavhuvhu gore rapera, vari kuzadzikisa mashoko avo ekuti vachashandisa hunyanzvi neruzivo rwavakawana mumakore adarika mukusimudzira

Madimikira ngechiNdau

UNOZIYA watochizwa kuti kudhaya tatopinda muchirongwa chedu chemadimikira. Dai iri nyoka zviyana, chasara kuponde soro rayo. Taiya nabambomukuru edu kwaMatanho etaitsvinyire kuti Pondesoro.

Kuisa mazwi muuzhinji

Ticha Danga — MUTAURO wedu wakapfuma chose uye unodadisa kana tichitevedzera mataurirwo awo akanaka. Tinozouvhiringidza paya patinotadza kuutaura nemazvo. Zvinyorwa zvevana muzvikoro zvinovhiringidzwa naiko kusatevedzera zvinodiwa muchiShona

zvidhoma zvakaba us$900 pachikoro

— Vabereki vozviramba — ‘Panoitika mashiripiti’ — ‘Nyaya tiri kuiferefeta’ Kingstone Mapupu — MUNYAYA inoti kushamisa igoti kusetsa — zvidhoma zviri kunzi zvakaba mari yechikoro inosvika $933 iyo yaive yabviswa nevabereki pachikoro cheKanyoka…

Tisakanganwe chezuro nehope

NEMUSI weMuvhuro neChipiri svondo rino zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatana mukucherechedza magamba akarwira rusununguko rweZimbabwe reHeroes Day pamwe chete nezuva remauto, reDefence Forces Day.

‘Tinoramba tichipa chikafu muzvikoro’

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari Dr Lazarus Dokora vanoti chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro chicharamba chichienderera mberi — mungave munguva yenzara kana yemaguta — sezvo chichibatsira zvikuru kuti vadzidze

×