Chando: Gara wagadzirira

TAVE kupinda mumwaka wechando, inove nguva iyo veruzhinji vanokurudzirwa kutora matanho ekuzvidzivirira kubva kumatambudziko akasiyana anokonzerwa nekutonhorwa, sekubatwa nezvirwere zvinosanganisira chedziwa (flu).

Zvakakosha kuziva pamusoro petb nehiv

Kuna Chiremba — Ndiri murume anorarama neutachiona hweHIV. Ndinogara ndichitya nguva nenguva apo ndinokosora, ndinotya zvakare kubatwa nechirwere cherurindi. Ndakanzwa kuti HIV neTB zvese zvakaipisisa.

‘Ndakadyiswa tsvina yemunhu nen’anga’

Abel Ndooka — MUKADZI wekuNorton anoti akadyiswa tsvina yake nen’anga achinzi iyi inzira yekumurapa dambudziko rake rekutevera kasingapere kwemakore matanhatu.

‘ndakaiswa runyoka

— ‘Apa ndichiri kuzvinzwa’ Kingstone Mapupu — MUKADZI ane mabhizimisi kuArbennie, muHarare, anoti akaiswa rukawo neaimbova murume wake izvo zvamusiya ava kutya kudanana kana kuroorwa nemumwe murume.

Mbudzi: Ndiko kuti nyama!

NYAMA yembudzi inonaka zvikuru, kunyanya kana ichinge yabikwa pamoto wehuni kana wemarasha. Svondo rino, Mai Getrude Moyo vekuGokwe vanotitsanangurira mabikirwo enyama iyi zvekuti vanoidya vanosara vachingonanzvira.

Kurima fodya ibhizimusi

Buhle Nkomo — “Pandakada kuve murimi wefodya, ndakasiya basa rangu randaiita ndokubva ndave murimi akazara,” vanodaro Mai Linda Manyore (54) vanove murimi wefodya kuKaroi.

‘Muvheti’ akazvisungirira amitiswa naSoko Murehwa’

Kingstone Mapupu — “ININI chaiye muvheti muchena, kuitiswa mimba naSoko Murehwa, mutema akasviba kuti ndoo?” Izvi ndizvo zvinofanirwa kunge zvakavhiringa kasikana kekuEpworth ako kakasvika pakuzviuraya karwadziwa nechokwadi.

‘Hamusi amai vangu imi, makandinhonga’

Gamuchirai Muzanenhamu — MWANASIKANA wekushaya ganda kumeso zvekugara achitukidzira amai vake achivati havazirivo vakamubereka asi kuti vakaita zvekumunhonga akazochema-chema achikumbira ruregerero mudare achiti apfidza katsika kake kekushaya hunhu aka.

Kutyaira asina chitambi kwamupfukira

Muchaneta Chimuka — MURUME wemuHarare wekutyaira motokari asina chitambi akazvisikira moto muziso zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare kugara mujeri kwemwedzi 18 mushure mekunge atsika munhu ndokukuvara zvikuru pamwe nekudhumira pamba.

Chitunha nepahwindo: Vakaripiswa mombe

Kingstone Mapupu — MHURI yekwaChinhamora, kuDomboshava – iyo inonzi yakapinza nekuburitsa chitunha chababa vepo nepahwindo – svondo rapera yakamiswa mudare ramambo weko ndokuripiswa mombe mbiri.

×