Kutyaira asina chitambi kwamupfukira

Muchaneta Chimuka —
MURUME wemuHarare wekutyaira motokari asina chitambi akazvisikira moto muziso zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare kugara mujeri kwemwedzi 18 mushure mekunge atsika munhu ndokukuvara zvikuru pamwe nekudhumira pamba.

Charidza Tidani Ayanda (27) wepanhamba 1649A, Chiremba Park, kuHatifield, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Court ndokubatwa nemhosva yekutsika munhu pamwe neyekutyaira asina chitambi.

Pamhosva yekutsika munhu, mutongi wedare iri, Oliver Mudzongachiso, akapa Ayanda chirango chekugara mujeri kwegore nemimwe mwedzi mitanhatu pamhosva yekutyaira asina chitambi.

Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa1 Chivabvu gore rino, Ayanda aityaira motokari yerudzi rweRenault ari kuZengeza 4 mumugwagwa usina zita asi akananga kuchamhembe.

Paakasvika pamhararano yemugwagwa pedyo neimba iri panhamba 10678 Zengeza 4, akakundikana kumira kuti aone kuti mumugwagwa makamira sei izvo zvakaita kuti atsike Panashe Chigumisi uyo akange ari kuzvifambira netsoka. Akabva apfuurira akanodhumha imba iri pedyo.

Chigumisi akakuvara zvikuru sezvo akatyoka mbabvu negumbo uye achiri kurapwa muchipatara cheChitungwiza Central Hospital.

Motokari yaityairwa naAyanda yakapararawo mutsaona iyi.

Dare rakamubata nemhosva richipa zvikonzero zvekuti akange ari kutyaira zvisina hanya, asingatarisi kuti mumugwagwa makamira sei, haana kukwanisa kudzivirira tsaona apo akaona kuti yakange iine mikana yekuitika uye kuti ainyanya kumhanyisa motokari.

Ayanda anobvuma mhosva yake pasina kukakama.

“Ndinobvuma kuti ndakatyaira mota ndikarova munhu aizvifambira uye imba,” anodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×