‘Hamusi amai vangu imi, makandinhonga’

Gamuchirai Muzanenhamu —
MWANASIKANA wekushaya ganda kumeso zvekugara achitukidzira amai vake achivati havazirivo vakamubereka asi kuti vakaita zvekumunhonga akazochema-chema achikumbira ruregerero mudare achiti apfidza katsika kake kekushaya hunhu aka.

Grace Banda akamhan’arira Agnes Banda kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa mufaro nekumutuka nekudaro anoda kuti abve pamba pake.

“Changamire, ndauyawo pamberi penyu kuti mundibatsire pamwana wangu. Anondituka nekundishungurudza asi iye achigara pamba pangu,” anodaro Grace.

Anoti Agnes anonetsa uye haadi kuti mwana wake atsiurwe nemumwe munhu kana achinge aita misikanzwa sezvo achibva atanga kupopota.

“Haadi kuti mwana wake atsiurwe nevamwe asi mwana wacho anenge achiita misikanzwa zvekuti vamwe vazukuru vangu havachatode kuuya kumba kwangu pamusana pemwana wake anopota achivaruma. Ukada kuti umutsiure, amai vake vanobva vapopota vachiti tisavanetsere mwana wavo. Zvino ini handingazvigone, ngaabve zvake pamba pangu ndifaranuke,” anodaro Grace.

Anoti Agnes anogara achimuudza magaramwoyo.

“Mwana uyu anotaura mashoko anorwadza zvekuti kusatomuona kuri nani. Anonditi handisi amai vake, ndakamunhonga saka pamwe ndizvo zvinomupa kundishungurudza,” anodaro Grace.

Agnes anoti haasi kuramba kubva pamba paamai vake asi anodawo kupihwa nguva yakaita semwedzi mina yekuti atsvage basa kuitira kuti akwanise kuzviriritira achigara kwake oga.

“Kubva pamba apa ini nemwana wangu handirambe, asi ndiri kukumbirawo mwedzi mina yekuti nditsvage basa ndigowana kubva zvakanaka,” anodaro Agnes. Anoti apfidza, haacharamba achishungurudza amai vake.

“Handichadzokorora zvakare kuvatuka kana kuvashungurudza,” anodaro Agnes.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Grace gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×