Chivhimaushe ihonzeri
Munyaradzi Gunduza — 5. Ndiani waungati ihonzeri yematambudziko ari muna Pfuma Ndeyamaoko? Tsigira uchijekesa kuti aive matambudziko nenzira dzipi. [25]
Chimbwamupengo: Vet Services
Kingstone Mapupu — NYANZVI inoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kumhuka kubazi reDepartment of Veterinary Services, Dr Chenjerai Njagu, vanoti zvinokwanisika kuti katsi ibatwe nechimbwamupengo (rabbies) izvo zvinokonzera kuti ipedzisire yave kuruma vanhu
Rasa marara, kwete mukana
naIgnatius Mabasa — MARI ngairasike, asi munhu arege kurasika. Rasa marara mubhini, asi usarase mukana. Mwana wemuzukuru wangu akafa svondo rakapera, uye akafa ari mudiki kwazvo. Akanga ane makore 25…
Votenga mabhuku nekurima
Daphne Machiri — CHIKORO cheChawarura Secondary School chiri kuMuzarabani, kudunhu reMashonaland Central, chiri kubatsirika zvakanyanya nezvidzidzo zvekurima sezvo chava kukwanisa kutenga mabhuku ekuverenga nezvimwe zvakasiyana kubva
‘Ndakaba chigero chete’
Muchaneta Chimuka — MURUME wekuChitungwiza akaigochera pautsi zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kuti anodya refovhoro kwemwedzi 18 nedare reko mushure mekubatwa nemhosva yekuba midziyo yemuridzi inosanganisira chigero.
Mbavha yogadzikwa mudhishi
Muchaneta Chimuka — MURUME wekuzama noto nekuba nharembozha yaive mumotokari kuChitungwiza ava kuzvidemba zvichitevera chirango chaakatemerwa nedare reko chekubhadhara faindi uye kukundikana kwake anozonopika kujeri.
‘Gupuro wandipa asi handiende’
Tafadzwa Mutsotso — MUKADZI wekudzoka kune aimbove murume wake nechisimba mushure mekunge apihwa gupuro rekurambwa akazopotera kudare redzimhosva achitsvaga kuti asadzingwe pamba.
Zvinokonzera kukundikana
Ticha Danga — CHINOTISUNDA kuti timuke rungwanani kuenda kuchikoro inyaya yekuti tidzidze tigobudirira mubvunzo dzedu. Nekudaro tinoedza chose kuramba tichiita dzokorodzo tiri kumba nekuchikoro. Chatinenge tichirwisa kufoira kana kukundikana
‘Tinorara nemapfumo’
Tafadzwa Mutsotso — MURUME saimba ari kupomerwa nemudzimai wake kugara nemapfumo muimba yavanorara achinzi anoti anoda kubaya mukadzi uyu nawo nechikonzero chekuti haaterere.
Vorwira imba yenhaka
Tafadzwa Mutsotso — SEKURU vekunetsana nemuzukuru pamusoro pemba yakasiiwa nevabereki vanove vashakabvu vakapotera kudare.

