Mota yaPasuwa iripi?
Abel Ndooka — SANGANO rinotungamirira nhabvu reZimbabwe Football Association roita fungira mumwoyo rwendo rwembwa panyaya yemotokari yarakatorera aimbove murairidzi wechikwata chenyika chemaWarriors – Kalisto Pasuwa.
Rupiza: Kudya kune utano
NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira veruzhinji kuti vadye kudya kwechivanhu kwakaita serupiza uko kunonzi kwakakosha zvikuru pautano.
Voshura mare nekurima
‘Tinotarisira 10t chibage nemamwe 2 enzungu’ Kingstone Mapupu — VARIMI vari kukurudzirwa kukohwa mvura zhinji yanaya kusvika pari zvino nechinangwa chekuti vagozoishandisa mumwaka weChirimo unotevera.
Mwana ochinja kuita zinyoka
. . . ogwesha nedumbu . . . achishita semhungu Kingstone Mapupu — ZVIRI kuitika kukamwe kamwana kekuEpworth, muHarare, zvatenderedza vabereki vako misoro —kanonzi kanosanduka kachiita zinyoka rinozvongonyoka kana kuti…
‘Murume wangu anondinwa ropa’
Kingstone Mapupu — MUKADZI ane bhizimisi mumusha weArdbennie, muHarare, anoti murume wake “chibaba” chaicho pakushandisa mishonga yakaipa, izvo zvinoita kuti amuyamwe ropa kana kuti gazi pose paanenge achitevera — zvekusara…
‘Mwadziwana aibva’
Abel ndooka — MANEJA wemutambi wetsiva ane mukurumbira – Tinashe Mwadziwana – Clyde Musonda anoti shasha iyi yaibva uye yave kukodzera kurwira mabhande makuru etsiva emuAfrica.
buse yosimudzira zvidzidzo zvekurima
Abel Ndooka — CHIKORO chepamusoro cheBindura University of Science Education chiri kuBindura chosimbaradza zvidzidzo zvekurima uye gore rino chiri kutarisira goho guru rechibage.
Dopiro reJazz roitwa
Abel Ndooka — VAIMBI vemisambo yejazz neclassical music vekunyika dzinosanganisira Germany, Turkey, Brazil, England, South Africa, Iran neZimbabwe vachange vachiridza muno mashoo maviri pamwedzi pasi pechirongwa chinonzi Twelve icho chiri…
Madiridziro eMoneyMaker opinda muGuruve
Muchaneta Chimuka — KAMBANI yeBlagefields Marketing (Pvt) Ltd iyo inogadzira pamwe nekutengesa michina yemadiridziro yemhando yakasiyana yotenderera nenyika ichipa ruzivo kuvarimi pamusoro pekukosha kwekushandisa madiridziro nedonzvo rekusimudzira goho.
Mapurisa voferefeta n’anga
Kingstone Mapupu — MAPURISA anoti ari kuferefeta nyaya yen’anga ine mukurumbira yekuMudzi, mudunhu reMashonaland East, iyo iri kupomerwa kubata hunhapwa nekubhinya kamwana kasikana kwemakore gumi ako yainge yati inokwanisa kurapa…











