‘Zvava kutoda vanozvigona’
Munyori weKwayedza — MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mhuri yekuOld Tafara, muHarare, iyo ine mukadzi anotorerwa chikafu nezvinhu zvaasingaone, inoda kubatsirwa.
‘Rimai mbesa diki’
Muchaneta Chimuka — MAMBO Chipuriro – VaClever Chipuriro – vekuGuruve, kuMashonaland Central vokurudzira varimi vari kumatunhu asinganaye mvura yakaringana kuti varime mbesa diki senzira yekutanda nzara.
Econet yaunza Data Double Up
Tandayi Motsi — KAMBANI yeEconet Wireless iri kuenderera mberi nekuvandudza zvirongwa zvayo nedonzvo rekuzadzisa zvido zvemakasitoma ayo uye ichangobva mukuparura chirongwa cheData Double Up Campaign, icho chinopa mukana wekuenda
mukoti wanhasi newakare
— ‘Basa mberi, mari mushure’ l‘Zvaityisa kunzi murwere afa’ l ‘Zvasiyana nezvatave kuona’ Muchaneta Chimuka — CHEMBERE yekuKambuzuma, muHarare – iyo yakashanda kwemakore anodarika makumi maviri samukoti – inoti varapi vemazuva…
Hakuna shumba muHarare: Parks
Muchaneta Chimuka — BAZI reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) riri kuzivisa veruzhinji muHarare — kunyanya vagari vemumisha yakadziva kumadokero kweguta — kuti vasatyiswe nemashoko ari kutenderera ayo anoti…
‘Kubatana kunoderedza hurombo’
Abel Ndooka — MUKURU weWorld Bank muZimbabwe, Mai Camille Nuamah, vanoti bhanga ravo rakazvipira kushanda nezvizvarwa zvemunyika muno mukutsvaga nzira dzekupedza hurombo nenzara.
Matambudziko anowira vanhu
Munyaradzi Gunduza — 3. Tsanangura matambudziko masere anowira vanhu vaigara mudunhu raShe Marwei murungano Pfuma Ndeyamaoko. [25]
Muti wagara unowira kwawakarerekera!
MVURA nemhepo mwaka uno ijahwi. Vana vezvikoro vari kushama kuti ko zvatiri kudzidziswa zvokuti miti haifanirwi kutemwa asi manyepo, sezvo vari kuona mazimiti ari kurakashwa, kunyanya miti iri pedyo nedzimba…
Zvaishandiswa kare nanhasi
Ticha Danga — CHISHONA chine midzi inobvira mukuyaruka kwamadzitateguru edu nekushanduka kweruzivo rwaikura nguva nenguva.
Handibve kuMan City: Bravo
MUBATI wepagedhi weManchester City – Claudio Bravo (33) – anoti haasi kufunga zvekubva kuchikwata ichi kunyangwe hazvo asiri kutamba zvinochigutsa.






