Kurima sugar beans
Philip Matombo— TINOKUKWAZISAI varimi nomufaro mwaka wegore rino uchidai kunakidza sezvo mvura iri kunaya zvirimwa zvichisekerera. Apa ndipo panotora murimi mukana wekuita mari nesugar beans pamusoro pezvirimwa zvatakarima izvo zviri…
Gwaze ave kuCapitalk 100.4FM
AIMBOVE mutepfenyuri wezvirongwa zvakasiyana kuZIFM, Farai Gwaze, ave kushandira nhepfenyuro itsva yeCapitalk 100.4FM iyo inotepfenyura iri muHarare ari producer napresenter.
Akanwiswa ropa kumakuva
. . . nevanhu vainge vakapfeka mbikiza KAKOMANA kane makore 15 okuberekwa, ako kanogara nevabereki vako kwaChinhamora, kuDomboshava, kanoti nguva ichangodarika kakatorwa husiku nevanhu vatanhatu avo vanofungidzirwa kuti varoyi apo…
Ongororwai Bp: Wag
SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinoti zvakakosha kuti madzimai agare achiongororwa chirwere che”high blood pressure” icho chinowanzodaidzwa nekuti BP.
Bika soseji muhovhoni
NYAMA yesoseji inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvemandorokwati. Svondo rino Netsai Mhlanga wekuGweru anotsanangura pamusoro pekubika soseji.
Handichafa ndakaba: Mbavha
“NDAPFIDZA! Handife ndakaba futi. Ini hangu ndini ndingatobirwa!” Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemumwe murume — anga ari zimbavha remakoko, uyo akazogadzirwa ndokusara ave bofu uye amera mazamu makuru kunge musikana.
Us$143 miriyoni yekurwisa hiv neaids
ZIMBABWE nguva pfupi yadarika yakapihwa rubatsiro rweUS$143 miriyoni yekurwisa kupararira kweHIV neAIDS kubva kusangano reUnited Nations Development Programme (UNDP) rakabatana nereGlobal Fund.
Varimi mumaguta votarisira goho guru
VARIMI vemumaguta vanoti vari kutarisira kubura goho guru mwaka uno kana vachienzanisa nemwaka wadarika zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda.
Kohwai mvura: ZCFU
VARIMI vari kukurudzirwa kuti vange vachikohwa mvura kuburikidza nenzira dzakasiyana dzakadai sekuchengetedza mvura mumadhamu madiki nemakuru uye kuti vadzivirire kuguravhu.
CUMA yoshuvira Division One
Abel Ndooka— MUTAMBI wemaWarriors neBidvest Wits yekuSouth Africa, Cuthbert Malajila, anoti anoshuvira chaizvo kuona chikwata chake cheCUMA Football Academy icho chiri muZifa Division Two B chichikwikwidza muDivision One.











