Vorohwa nezvehusiku masikati

MHURI igere kwaMuroyi, mudunhu reZaka, inoti yapfuviswa nekugara ichitemwa nematombo asingaonekwe anoapotsera.

Zvidzidzo zveredhiyo zvodzoka

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo rine hurongwa hwekudzosa zvidzidzo zveparedhiyo (radio lessons) muzvikoro pamwe nekuzvivandudza kuti vana vadzidze kuburikidza neterevhizheni.

Sekuru vodashura gogo

Trymore Muvhawa— CHEMBERE ine makore 70 ekuberekwa, yekuti inogara ichirikitwa nemurume wayo ichipomerwa kutadza kushandisa mari zvakanaka, yakazopotera kudare redzimhosva yaona kuti zvanyanya.

Misodzi yerwaivhi

IMBWA HAIHUKURE SADZA PANGUVA yekuti vamwe vakadzi vanenge vachiita chipfambi kuti vagopihwa nzondora dzehuku, vamwe venenge vachirwira bhurugwa nekupomerana huroyi. Asi panenge pachiitika zvese izvi, kune kuchema kuri kuitika mune…

‘Imhosva kuuraya haka’

Kingstone Mapupu—- VERUZHNJI vanokurudzirwa kuti vakoshese mhuka dzinochengetedzwa pasi pemutemo wenyika nepachivanhu dzakaita haka.

Nyaya dzekushanya nekushungurudzwa kwevana dzowanda

GWARO rekurwisa kushungurudzwa kwevana munyaya dzepabonde, reSub-Saharan Africa Study Report on the Sexual Exploitation of Children in Travel and Tourism (SECTT), rakaparurwa muHarare nguva yadarika negurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, Dr…

Makore 42 vachichaya mapoto

Tafadzwa Mutsotso— MURUME wekuRuwa, uyo akakwidzwa kudare redzimhosva nemudzimai wake achiti ari kumushungurudza, anoti iye ndiye akatomubira $500 ndokuenda nayo kumba kwavo uye ane fungidziro yekuti aida kunozviroora sezvo iye…

Nditori ‘bomb’: Pfambi

Trymore Muvhawa—- SAMUSHA vekuroora mudzimai wechipiri vahosi vasingazvizive vanoti vakaigochera pahutsi apo nyachide uyu akazovatukirira pajekerere kuti ipfambi yemakoko kana kuti “petrol bomb” chairo achireva kuti ane chirwere cheshuramatongo.

‘Mwana wangu oda kunditsika nemota’

Tafadzwa Mutsotso— VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati ashaiswa rugare nemwanakomana wake uyo waanoti aida kumutsika nemotokari achimuti muroyi, ndiye akauraya baba vake.

Vasikana vakakunda vakomana paA-Level

ZVAKANYORWA nevana pabvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) gore rapera zvakabuda uye vadzidzi vakatotanga kutora magwaro ezvavakawana kutanga nemusi weMuvhuro svondo rino.

×