Bumburumukushu zamu rehuku

naIgntius  Mabasa— MAKOROKOTO eGoredzva! Ndinoda kuvimba kuti wakapinda uchiona musiwo wekupinda nawo, kwete kuita zvekuzomutswa waita zvekudonhera muna 2017 sembwa yadonha nebhini rayanga ichivhendenyura.

Herentals musha wekuvaka, kuvandudza hunhu

HURONGWA hwedu hunoenderana nezvinodiwa nevanhu vose. Herentals Group of Colleges and Schools iripo pakuzadzisa zvido zvevanhu, zvisinei nemamiriro anenge akaita zvinhu.

‘Iriko mishonga yekugurisa mbavha’

SEKURU Bonface Katerera vekuUzumba vanoti Gambe anokwaniswa kubatsirwa nekuroyonorwa nevanhu vakamuroya chete.

Vanhukadzi vanoda mukana: Ndlovu

BAZI rinoona nezvekushanyirwa kwenyika rinoti riri kutora matanho anoita kuti vanhukadzi vakwanise kupinda mubhizimusi rezvekushanyirwa nedonzvo rekusimudzira upfumi hweZimbabwe.

‘Ndisiire murume, iwe wachembera’

Trymore Muvhawa— NYAYA yekurwira murume pabarika yakaita kuti madzimai maviri ekuEpworth asvitsane kumatare edzimhosva, nyachide achiti vahosi vanofanirwa kuchimusiirawo murume nekuti vachembera.

Mwana uri kudei apa?

BVUNZA KWAYEDZA NASEKURU MUTANGA MUBVUNZO: Makasimba here sekuru? Ndiri murume ane makore 60 okuberekwa, ndakaroora uye ndine vana vatanhatu — vakomana vatatu nevasikana vatatu — vese vatova nemisha yavo. Vazukuru…

Mitambo yakare

Ticha Danga— INO inguva yekufara. Vanhu pasi rese vari kupembera kubva kutanga kwemwedzi waZvita dakara panozopera mwedzi waNdira.

‘Imhosva tezvara kushaura muroora’

MUKURU wemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira, vanoti tsika yekuti tezvara ndivo vanotanga kushinha nemuroora anenge achangoroorwa mumusha yaiitwa kare nemamwe marudzi asi ndokuzopera nekufamba kwenguva uye pari zvino kuita izvi…

‘Mudzimai wangu chipfambi’

Trymore Muvhawa— MURUME wekumhan’arirwa kumatare edzimhosva nemudzimai wake achida gwaro rerunyararo akachema-chema achipikisa chikumbiro ichi achiti kana mukadzi uyu akapihwa gwaro iri haazokwanisa kumutsiura kuti asaparadze wanano dzevaridzi nekuda kwemabasa…

Akaramba mwana mudare

Trymore Muvhawa— MURUME wekuEpworth wekuendeswa kudare remendenenzi neaimbova mudzimai wake akatyora vanhu mbabvu nekuseka apo akati aitotanga kuona mwana waainzi abvisire mari uyu mudare uye haana kana kumboziviswa kubvira pachiri…

×