Zvikwereti zvevadzidzi zvadzoka

HURUMENDE inoti kutanga gore ra2017 iri kudzosa chirongwa chekubatsira vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vanobva kumhuri dzinotambura pamwe nenherera nemari yedzidzo (students loans and grants) nechinangwa chekusimudzira fundo muZimbabwe.

‘Mukadzi wangu igororo’

Trymore Muvhawa— MUMWE murume ochema-chema kuti ari kuoneswa pfumvu neaimbove mukadzi wake uyo waanoti anomubira mari yake kubhanga nekugara achimuvimbisa rufu.

Vasungwa vakapihwa mbatya

Tafadzwa Mutsotso— VASUNGWA vechirume kujeri reGuruve Prison, kuMashonaland Central, vakabatsirwa nembatya, shangu nesipo yekugezesa nechechi yeUniversal Church of the Kingdom of God (UCKG) sechipo cheKirisimasi.

Form 1: e-enrolment yakabatsira – Dokora

CHIKAMU chinodarika 60% chenzvimbo dzeForm 1 dzegore ra2017 chakatopihwa kuvana kuburikidza nekushandisa chirongwa chekunyoresa vana vekumabhodhingi padandemutande (e-enrolment) uye nzvimbo dzasara dzichange dzichipihwa pasina kushandiswa kwenzira iyi.

Dzikamai: Pasuwa

MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors, Kalisto Pasuwa, anoti hana dzevatambi vake dzinofanirwa kudzikama uye vorega kuvhunduka-vhunduka kana vachida kunohwina kumutambo weAfrican Cup of Nations kuGabon muna Ndira.

VaChisanyu vakagadzwa

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vakagadza VaFriday Chisanyu sasachigaro wesangano reTraditional Medical Practioners Council (TMPC), iro rinoona nezvemashandiro en’anga nemaporofita munyika yose, zvikuru munyaya dzeutano.

Ndaita mari: Pfambi

‘Ndine hari izere  mbeu yevarume’ MUKADZI shoroma anogara mumusha weBorrowdale, muHarare, ari kuita kuganza chaiko achiti aita mari nembeu yevarume VOSE vaanoshinha navo – iyo yaanokohwa, oichengeta mukadende kanogara kazere…

‘Vabereki tsigira zvipo zvevana’

MUIMBI wechidiki ari kusimukira wemuguta reHarare anoti zvakakosha kuti vabereki vatsigire zvipo zvakasiyana zvevana vavo kwete kuzvitarisira pasi sezvo vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.

Spaghetti ine minzi

SVONDO rino Shamiso Mapfumo wekuMkoba 6, kuGweru, anotsanangudza mabikirwo espaghetti yakasanganiswa nenyama yemombe yakagaiwam, iya inodaidzwa kuti minzi.

Vopihwa sanitary pads pachena

Tafadzwa Mutsotso— SANGANO rinobatsira nherera nevanoshaya, reZiMwana World Wide, riri kusimudzira utano hwevanhukadzi kuburikidza nekuvawanisa zvekushandisa panguva yekutevera (sanitary pads) pachena.

×