kwayedza: nemo nemo
Munyaradzi Gunduza l Vana vakaverenga kwayedza vakafara HAPANA chinhu chinofadza pakunyora bvunzo sekusangana nezvimwe zvinhu zvaunenge wakambosangana nazvo mugadziriro yako yebvunzo idzodzo.
Usangova baba vezita, chengeta vana vako
Tafadzwa Mutsotso AMBUYA vakamhan’arira mukuwasha wavo kudare vachida kuti abhadhare $265 pamwedzi yekuchengeta vana vake vaviri. Anastancia Chinami akaendesa mukuwasha wake, Bernad Munango, kuHarare Civil Court achiti haazi kuriritira vana vake.
‘Kohwai mvura yemadiridziro’
Muchaneta Chimuka KAMBANI yeBlagefields Marketing (Pvt) Ltd iyo inoona nezvekugadzirwa kwemichina yemadiridziro yemhando yeMoneyMaker Irrigation Pumps yokukurudzira varimi kuti vange vachikohwa mvura munguva ino yezhizha nenzira dzakasiyana iyo vanozoshandisa mumwaka…
Kurima sugar beans neSeed Co
Philip Matombo TINOKUKWAZISAI nomufaro varimi vose. Tasanganazve vhiki rino pabandiko redu reSeed Co MUDHUMENI MUKURU apo tichakurukura nekudzidzisana nenyaya dzekurima. Nhasi takanangana nechimwe chezvirimwa chiri kupa varimi pundutso chinova sugar beans.
C B Z yobatsira vechidiki
Tafadzwa Mutsotso BHANGA reCBZ rakaparura chirongwa chekubatsira vechidiki vane makore anotangira pa18 kusvika 30 okuberekwa, cheYouth Entrepreneurs Programme (Y.E.P), nemari yekuti vaite mabhindauko anovararamisa.
Pasi rose rochema vatambi venhabvu
. . .Vatambi vatatu chete vakapona MUTUNGAMIRIRI wenyika yeBrazil, Michel Temer, vakatara mazuva matatu ekuchema zvichitevera tsaona yendege yakauraya vanhu 76 kuColombia iyo yaive yakatakura chikwata chenhabvu chekuBrazil cheChapecoense nemusi…
Kunwa usina kuvhura chivharo
IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa PANDAKABHEUKA nemota, pane zvakasara panzvimbo yandakaitira tsaona. Pakasara magirazi nehungwandangwanda hwezvinhu zvakabva nekupwanyika pamota. Pakasarawo hurubvurubvu hwechingwa nezvimwe zvekudya zvatakanga takatakura.
Baba vakarovera mwana tv
Muchaneta Chimuka BOTSO rekuona terevhizheni pakati pababa nemwanasikana wavo ane makore 11 ekuberekwa rakazoguma ravasvitsa kumatare edzimhosva mushure mekunge mwana uyu azvamburwa nebhandi redehwe remhuka rinozivikanwa nekuti mvuu.
Magetsi auya paChipendeke
Muchaneta Chimuka MAKIRINIKI nezvimwe zvipatara zvekumaruwa zviri kubatsirikana zvikuru pasi pechirongwa chekuiswa kwemagetsi chiri kutsigirwa neHurumende yakabatana nemasangano akazvimirira nedonzvo rekusimudzira nyaya dzeutano munyika.
Torai kurima sebhizimisi: Zimondi
Trymore Muvhawa COMMISSIONER-GENERAL of Prisons and Correctional Services Paradzai Zimondi vanoti zvakakosha kuti vechidiki vatore kurima sebhizimisi pamwe nekushandisa michina yezvino-zvino kuitira kuti basa ravo rive nyore zvinoitawo kuti vahohwe…




