Vechidiki voparidza vhangeri

Muchaneta Chimuka CHIKWATA chevechidiki chemusambo wechitendero chiri kusimukira cheThe Island Voice Group chekuBudiriro, muHarare chinoti chishuwo chavo ndechekuparidzira veruzhinji vhangeri kuburikidza nemimhanzi.

Akadashurirwa muto wenyama

Daphne Machiri MUDZIMAI wekuCaledonia Phase 1, muHarare, akarohwa nemurume wake senyoka yapinda mumba ndokuzomanikidzwa kurara panze kwemazuva matatu mushure mekunge murume uyu abikirwa sadza nenyama yehuku ye50 cents iyo yakange…

Oceanwaves inovaka vana

. . . nekuvadzidzisa mabasa emawoko Malven Mugadzikwa CHIKORO cheOceanwaves Junior Private School, icho chiri kuRydle Ridge Park, muHarare, chiri kusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko akaita sekurima nedonzvo rekuti vana vakwanise…

Mukadzi wekuchinjanisa varume

‘ndamera nyanga panhingirikini’ Kingstone Mapupu MUKADZI wechidiki wekwaSeke atambura nezviri kuitika kwaari —kusikarudzi yake kuri kumera zvinhu zvinenge nyanga dzembudzi zvekusvika pakuvharika uye mazamu ake anogara achingojuja mukaka kunyangwe zvazvo…

Mhembwe bherengende mumba

l Vanhu vakatiza neupenyu hwavo Kingstone Mapupu IMWE mhuri inogara pakomboni yeWingate Golf Club, muHarare, yakasara isina chekutaura mushure mekupindirwa mumba mavo nemhuka yemhembwe zuva rakacheka nyika.

Chitunha chakavigwa muchechi

l Ichi chipini: Mambo Njelele Kingstone Mapupu MAMBO Njelele, VaMoses Misheck Njelele vekuGokwe vanoti vachiri kushamiswa zvikuru nekunzwa kuti pane chitunha chemumwe mukadzi weko icho chakachererwa guva ndokuvigwa mukati meimwe…

‘Mapepanhau ndiko kupfeka kwangu’

Malven Mugadzikwa MUIMBI ari kusimukira munziyo dzechitendero, Prevalent Sithole, anoti anozvishambadza kuburikidza nekupfeka zvipfeko zvakashongedzwa nemapepanhau senzira yekukwezva nekufadza vatsigiri vake.

Kubika misoro yehuku

ZVIRI MUGAPU MISORO yehuku inyama inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi zvisinei nekuti vamwe vanoti havaifarire nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.Svondo rino Shamiso Mapfumo wemuHarare anorondedzera mabikirwo akanaka enyama iyi.

Zimpapers yakabatsira chikoro

Muchaneta Chimuka KAMBANI huru mune zvenhau muZimbabwe, yeZimpapers, svondo rapera yakapa marimba kuchikoro cheGert Nel Government Primary School icho chiri kuChartswoths, kwaGutu. Zimpapers yaita izvi nechinangwa chekusimudzira zvidzidzo zvemitambo, tsika nemagariro.

Ndomuroora here?

MUBVUNZO: Ndiri mukomana ane makore 25 uye ndiri kufambidzana nemusikana mukuru kwandiri nemakore maviri. Dambudziko nderekuti apa ndipo pada moyo wangu zvekutoti ndava kutoroora. Zvino vabereki nehama dzangu vakazviziva havazonetse…

×