Mafambiro emhuka
Ticha Danga KANA tonyoTra zvinyorwa zvedu tave kuzvikoro zvepamusoro tinofanirwa kuratidza kuti takawana hwaro hwakakwana pasi apo taidzidza zvakawanda. Tinofanirwa kuva neruzivo rwuzere pamusoro pemhuka kwete kungoziva vana nemazita adzo.
Enda kwachiremba: Dr Moyo
Munyori weKwayedza MUKURU wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti mukadzi ari kuti amera zvinhu zvinenge nyanga dzembudzi kusikarudzi yake anogona kunge aine chirwere chepabonde chinodaidzwa kuti “genital watts”…
Muenzi Bond Notes haana kwaanoenda!
MARI muenzi, asi rwendo rwuno muenzi atambudza vanhu. Mumwe muenzi anowanirwa nzira dzokunzi achirongedza aende, asi uyu muenzi ari kutodiwa nani nani zvake: vakuru, vadiki, mhandara, majaya vese vari kungoti…
‘PAKUROYA NDIRI SHASHA’ . . . ‘Ndadya zvitunha zvinodarika 70’ . . . Nyoka yangu yave nemakore 30’
CHEMBERE yekwaMangwende, kwaMurehwa, inoti kusvika pari zvino yadya nyama yevanhu vanodarika 70 uye inogara nenyoka shanu – huru yacho yava nemakore 30 – idzo dzinoda vakadzi nevarume “moto chaiwo”.
Mudzimai hurudza otunzvaidzwa
MUDZIMAI wekuSanyati uyo akakunda vamwe varimi vose mumakwikwi eHarare Agricultural Show egore rino okurudzira vamwe vanhukadzi kuti vashande nesimba mumabhindauko akasiyana kana vachida kubudirira.
MUDZIMU TUGU MUPOSITORI ARI PAN’ANGA
MURUME mupositori wemubhuku raMakota, kwaMambo Gwesela, kuZhombe, akabatwa nemweya unofungidzirwa kuti ndewengozi apo iye nevemhuri yake vakanga vaenda kunobatsirwa nen’anga dzeZinatha idzo dzaichenura misha munzvimbo iyi nguva pfupi yadarika. Nhengo…
Ziva nezvemalaria
MALARIA chirwere chinotapuriranwa kubva kune munhu anacho chichienda kune mumwe kuburikidza nekurumwa nehumhutu.
Murume akatiza dumbu
MUDZIMAI wechidki wekuSouthlea Park, muHarare, anoti ave nemakore mashanu achiyaura nedumbu rake iro rakazvimba kunge ane pamuviri pave kuda kuzvarwa.
Chitembwe otarisa nhorowondo
MITAMBO yeCastle Lager Premier Soccer League yasvika kwamvura yacheka makumbo uye parizvino vatsigiri vezvikwata zvinoti CAPS United neFC Platinum izvo zviri kurwira mukombe uyu vakabatira hana mumawoko vakamirira musi weSvondo…
MAKORE 8 VACHIFUMA VAKAGUSWA. . . hapana kana vhudzi rinosara . . . kana vana vapindana nacho
MURUME wekuGlen Norah C Extension, muHarare, ari panguva yakaoma — ava nemakore masere achingofuma akaveurwa chose chinonzi vhudzi pamuviri wake.









