‘Dzidzisai vechidiki tsika dzakanaka’

ZVAKAKOSHA kuti vechidiki vayaruke vaine ruzivo pamusoro petsika nemagariro evanhu vatema vemuZimbabwe sezvo zviri izvo zvinoumba hunhu hwakanaka mavari, vanodaro VaRaphael Chikukwa vanove curator weNational Art Gallery of Zimbabwe.

Chimukuyu chine dovi

Zviri mugapu Na Muchaneta Chimuka NYAMA yechimukuyu chemombe ine dovi inonaka kwazvo kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi. Mbuya Veronica Chiramba vekuWedza svondo rino vanotsanangura pamusoro pemabikirwo enyama yemombe yakaomeswa.

‘Mafundisi siyanai nekunyeba’

MAPOROFITA nevamwe vakuru vemachechi havafanire kunyengedza varwere vakaita sevane gomarara neutachiona hweHIV kuti varege kunwa mapiritsi sezvo kuita kwakadai kuine njodzi huru kuutano hwavo.

Chisveru chava kwauri murimi

MVURA yakatanga kunaya kunzvimbo zhinji dzenyika svondo rapera pamberi. Izvi zvinoreva kuti varimi vanofanirwa kunge vari mushishi kurima zvose nekudyara.

Maticha 7 000 pabasa

HURUMENDE ichapinza mabasa varairidzi vanosvika 7 000 zvikoro zvisati zvavhurwa kutanga kwa2017 nedonzvo rekuti huwandu hwevana huve hunofambirana nehwevadzidzisi.

$10 miriyoni yedzidzo

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo rakaisa padivi mari inosvika $10 miriyoni iyo iri kushandiswa mukufambisa zvirongwa zvinosanganisira kupihwa kwevana zvekudya muzvikoro nekunyorwa kwegwaro idzva reNew…

‘MoneyMaker yorerutsa ndima’

VARIMI vazhinji kumativi mana enyika parizvino vari mushishi yekurima nekudyara mbesa dzakasiyana zvichitevera kuturuka kwakaita mvura svondo rapera pamberi.

Mhanzi yangu ndeyezodzo: Magwada

MUIMBI wenziyo dzechitendero ari kusimukira, Florence Magwada, anoti akatanga zvekuimba pamwe nekutsikisa mhanzi yemusambo uyu mushure mekunge anzwa izwi raiti anofanira kuparidzira shoko raMwari kune veruzhinji.

Sanchez otura mafemo

ARSENE Wenger ari kuronga kupa Alexis Sanchez zororo renguva pfupi kuti agove akasimba apo mwaka uno wave kusvika kwamvura yacheka makumbo.

MAONERO EDU: Chisveru chava kwauri murimi

MVURA yakatanga kunaya kunzvimbo zhinji dzenyika svondo rapera pamberi. Izvi zvinoreva kuti varimi vanofanirwa kunge vari mushishi kurima zvose nekudyara.

×