Kana arambwa nemuramu . . .
Babamudiki vanovhurira maiguru zipi Yvonne Chidochashe Manyanja VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi, uyo anove shirikadzi, akati muramu wake anomupindira mumba otanga kumupfimba akabata sikarudzi yake masikati machena.
Tsumo nemadimikira namukanya
ZVICHITEVERA chikumbiro chevana vechikoro nevamwe varairidzi nevabereki, tinodzosa chinyorwa chetsumo nemadimikira kuitira kuti vana vadzidze zvinozadza mukombe.
Murwere weitsvo okumbira rubatsiro
Muchaneta Chimuka MURUME wemuHarare atambudzwa nedenda reitsvo dzake idzo dzose dzisisashande uye ari kukumbira rubatsiro kune vane tsiyo nyoro kuti akwanise kurapwa.
Muporofita ndiye akakonzeresa
Yvonne Chidochashe Manyanja MUMWE mukadzi anonzi akazoziva kuti murume wake ane shamwarikadzi yaari kudanana nayo mushure mekuudzwa nemuporofita izvo zvakaita kuti atange kuishungurudza kuburikidza nekuitukirira pose pavanosangana.
Shoko rokuti Meja ashaya
“MATSOTSI” naRuby Magosvongwe (127-132) Nyaya yacho (Enderero mberi): Izvi zvainge zvisingatariswi kaviri. Vahanzvadzi vavo vanotadza kupindura gare gare runharembozha rwuchibva rwarira rwuine shoko rokuti Meja ainge ashaya babamunini Tafirenyika kwava kuronga…
Murume ari kuda mwana
. . . apa ndakabaiwa jekiseni rekuti ndisabate pamuviri MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri mukadzi ane makore 30 okuberekwa, ndakaroorwa uye ndine vana vatatu, vakomana vose. Dambudziko rangu tete nderekuti…
‘Ndaidyiswa tsvina yemunhu’
Gabriel Singano MUMWE murume anoti akasiyana nemudzimai wake nechikonzero chekuti aimudyisa chikafu chaanenge asanganisa netsvina yemwana wavo mucheche.
Mhosva dzinoparwa kuburikidza nedandemutande: cyber-crimes
RUZIVO rwechizvino-zvino rwave matiri nokudaro nzira dzechinyakare idzo vanhu vaishandisa mukufambisa mashoko dzakaparadzwa nekuda kwemasai-sai eInternet (dandemutande). Pasi rose iye zvino rabatanidzwa nekuda kweruzivo rutsva urwu.
Roja rodanana nemuridzi wemba
Gabriel Singano ROJA rekupomerwa mhosva yekudanana nemuridzi wemba rakapotera kudare redzimhosva richiti raoneswa chitsvuku nemudzimai wa‘‘landlord” nekuda kwenyaya iyi.
Kurima minda muchando
Mudhumeni Mukuru Ivan Craig CHIRIMO ndiyo nguva inodyarwa zvirimwa zvakati wandei zvinoshandiswa kuzadzikisa donzvo rechirongwa cheHurumende, cheZimAsset.Ichi chirongwa chekutsvaga kugutsa mhuri pamwe nenyika zvichisanganisira utano hwakanaka kuburikidza nekudya chikafu chakasiyana-siyana.

