‘Kanzuru iri kurara pabasa’

VAGARI vekuChitungwiza vanoti kanzuru yavo iri kurara pabasa sezvo isiri kugadzirisa dambudziko rekuipa kwemigwagwa iyo isisafambike zvakanaka nemotokari kana netsoka nekuda kwemakomba-komba ayo anove njodzi

CHISHONA CHAKANAKA:

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke.

‘Mvura hakuna, asi tinongobhadhara’

DHOROBHA reChitungwiza rakatarisana nedambudziko rekushaya mvura zvekuti vamwe vagari veko vanowana mvura kamwe chete pasvondo kana pamwedzi asi kanzuru ichingovabhadharisa.

O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: VaMatose vasvikirwa. . . ndokupinda mudziva renjuzu

Munyaradzi Gunduza Zvisingatendeseki murungano urwu (Toenderera mberi): Munhu kubata nyoka nepadumbu hazvitendeseki. Izvi zvinojekeswa naKaringe paanenge ari musango neshamwari

Mukuwasha anorova ambuya

Yvonne Chidochashe Manyanja MUMWE mukuwasha akaendeswa kudare reHarare Civil Court achipomerwa mhosva yekurikita ambuya, amai vemudzimai wake, pamwe nekuita katsika kekuratidza zvipfeko zvemukati zvemukadzi wake kune veruzhinji.

Chivayo imhene yangu: Fidza ‘. . . siyanai naye’

MUTUNGAMIRIRI weZimbabwe Football Association, Phillip “Fidza” Chiyangwa, anoti vanhu havafanire kushoropodza “mhene yake” – Wicknell Chivayo – uyo ari kutsigira Zifa nezvikwata zvenyika nemari.

Mishonga yeku‘Moza’yapanduka . . . ‘Ndakauraisa mwana wangu’ . . . ‘Ndinongoona ndava musvo’

MURUME wechidiki kuMuzarabani, uyo akanotora mishonga yekuti apfume kun’anga yekuMozambique, anoti mishonga yaakaromba iyi yamupandukira zvekumushaisa rugare.

ZVIDHOMA ZVAKABVUTA SADZA PARUFU . . . Vanhu vakasara vaine nzara

VANHU vaiva parufu rwemumwe murume kuMbare, muHarare, vakasara miromo yavo yakaoma kuti papata nenzara nguva pfupi yadarika apo sadza neusavi hwacho zvaipakurwa mumabhodho nemumadhiramu kuti vadye

MUROORA ANOGEZA TEZVARA . . . Zvese nekuvabvisa nekuvapfekedza mbatya

NYAYA yevaroora vaviri vanonzi vari kugezesa tezvara vavo avo vari kurwara pamwe nekuvapfekedza manapukeni yakonzera kugeda-geda kwemeno nemitauro yakawanda kuBulawayo.

Masvikiro akapemberera

MASANGANO anoita zvechivanhu nemusi weMuvhuro svondo rino akabatana nenyika nyose mukupemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere kweZimbabwe.

×