Mabhini mashoma: EMA

SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) rinoti mabhini mashoma zvikuru muguta reHarare kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevanhu izvo zvinoita kuti dambudziko rekurasirwa kwemarara pese-pese rikure.

‘VABEREKI MUSABIRWE’ . . . ‘Musamanikidzwe maextra lessons’

BAZI rezvedzidzo yepuraimari nesekondari rinoti zvikoro hazvifanire kumanikidza vabereki kuendesa vana vavo kumaextra lessons kana kuvabhadharisa mari pasina kutenderana.

‘Zvihuta zvine mari’

KAMBANI yakazvimirira yeRoad-A-Rama iri kukurudzira vechidiki kuita mabhindauko ekupfuya zvihuta nezvimwewo zvipfuyo zvidiki nechinangwa chekuti vawane raramo.

Chotsva muPSL

MITAMBO yePremier Soccer League ichasimudzira svondo rino zvichitevera kumbomiswa kwayakaitwa vhiki radarika nekuda kwemutambo weUhuru Cup uyo wakahwinwa neChicken Inn mushure mekukunda Highlanders FC 2-1 mufainari.

Kukanga mhandire

Zviri MuGapu SEZVO chibage chaibva zvekukohwewa muminda, svondo rino tinonangana nemakangirwo anoitwa mhandire zvine hunyanzvi.

‘TB isingadairi mishonga yosungwa mbira dzakondo’

Murwere akange asina kudaira mishonga yeTB inoshandiswa pekutanga iyo inosanganisira rifampicin neisoniazod anenge opiwa ine simba inonzi nechiRungu 2nd line. Nyanzvi idzi dzinoti The Union, US Agency for International Development,…

Ndovaita sei amai vangu?

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri murume ane makore 30 okuzvarwa uye ndakaroora makore matatu adarika. Tine mwana mumwe chete nemudzimai wangu. Dambudziko rangu tete nderekuti amai vangu nyakubereka

DETEMBA TINZWE: INI ZVANGU MBUDZI

naJordan Chikosi Yangu nhamo ihuru Yandakapara ndinoishaiwa

Orikita, kutuka amai achivananga huroyi

Yvonne Chidochashe Manyanja MWANAKOMANA wekupomerwa kugara achirova amai vake pamwe nekuvananga huroyi akamiswa pamberi pedare redzimhosva svondo rapera.

Zvisingatendeseki . . . Gate rizere nyuchi . . . Nerimwe rine nyoka

Munyaradzi Gunduza MUSEVE USINGAPOTSE Zvisingatendeseki murungano urwu: (Tinoenderera mberi)

×