Mota ngaitakure zvine mwero: tscz

Muchaneta Chimuka VATYAIRI vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatakure vanhu zviri pamwero nechinangwa chekudzivirira tsaona dzemumigwagwa sezvo motokari imwe neimwe iine huremu hwainofanira kutakura. 

Vakadzi vaitamba vari musvo

Kingstone Mapupu VAGARI vekwaMurambinda Growth Point, kuBuhera, vanonzi vakaita chipatapata husiku hwemusi weChishanu svondo radarika pamberi vachimhanyira kunoona vakadzi vaitandadza vanhu mune rimwe bhawa vachitamba vari

Kugadzirira shoo yevarimi

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig SHOO mukana unopihwa varimi munharaunda mavo kamwe chete pagore kuti varatidzire pamwe nekukwikwidzana kuchitsvagwa kuti anogona kudarika vamwe ndeupi. Zvakanakira zvakare kuti murimi anenge achizvikwikwidza oga…

Vechidiki vorima mbatatisi

Muchaneta Chimuka VECHIDIKI vazhinji kudunhu reNyanga South vanonzi vari kubatsirikana zvikuru kuburikidza nekuwana raramo kubva mumabhindauko akadai sekurima mbatatisi vachitengesa. Mabhindauko aya akavambwa nemumiriri

‘Kutamba ini ndakatyoka gumbo . . .’ndakaita mashura: murape

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu akambonetsa ari kuchikwata cheDynamos FC, Murape Murape, anoti chishamiso kwaari kuti akakwanisa kutamba kwemakore anodarika 17 zvichitevera kutyorwa kwaakamboita gumbo rake. Mugore ra1997, apo

Mukuru weica Sport akarikitwa nevatambi

Abel Ndooka YAKAVE bata-murefu, bata-mupfupi svondo radarika paPlatinum Lounge, kuZvishavane apo technical director weICA Sport, Julius Chakupewa, akaitwa kanyama-kanyama neshasha dzakanetsa munhabvu dzemuno

Kuda zvinhu kunge paperbag!

PANE vamwe vakafara nevamwe vakagumbuka kuti ndakati Eriza bvisa yunifomu. Asi kutaura chokwadi, kupfeka kwevamwe vanhukadzi kunoshevedzera kuti, “Ndiri pano musandizeze”, hakutore mwoyo sekupfeka kwakatsiga. Ichokwadi kuti kupfeka kwekusiya mukaka…

Mapurisa ivai mucherechedzo wakanaka munyika: Matibiri

Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police anokurudzirwa kuita basa ravo nemazvo pamwe nekupa mucherechedzo wakanaka kune veruzhinji. Kurudziro iyi yakaitwa naDeputy Commisioner-General (Operations) Innocent Matibiri

Imba yakangobatira moto

Kingstone Mapupu VAGARI vemumusha waNgoni, kuNorton vakava nekushamiswa kukuru mangwanani emusi weChina svondo rapera apo imwe imba yeko yakangobatira moto usina kuzivikanwa kwawakabva ukaparadza midziyo yose yaivamo. 

‘Mhamha vane musoro wegudo’ l ‘Izvi zvatishaisa varume’ l ‘Ndakautora Mberengwa’

VANASIKANA vasvinu-svinu vatatu veimwe mhuri yekuGokwe vakatiza musha vachisiya vabereki sezvo vachiti amai vavo vanogara nemusoro wegudo nezvikwambo zvavakaromba kuti vapfume.

×