Vakadira mari, mupunga nemazai mudziva

VAGARI venzvimbo dzakakomberedza purazi reRoyden, iro riri pakati peHarare neNorton, svondo rapera vakaita chipatapata vachimhanyidzana kunotsvaga makutukutu emari yainzi yainge yarasirwa – pamwe chete nemupunga,

Nyanga Hospital yakabatsirwa l Chipatara chakapihwa maamburenzi naMandiwanzira

MUMIRIRIRI weNyanga South mudare reNational Assembly, Cde Supa Mandiwanzira, avo vanozve gurukota rezvemichina yekufambiswa kwemashoko neposvo, nguva pfupi yadarika vakapa mota mbiri dzichashandiswa

MAONERO EDU: Teverai tsoka dzaVaMugabe

NEMUSI weSvondo wadarika, mutungamiriri wenyika President Robert Mugabe vakasvitsa makore 92 okuberekwa. Mhemberero dzebhavhadhe ravo dzichaitwa neMugovera uno kuMasvingo.

Zvirwere zvinobata maziso

MAZISO mitezo yakakosha zvikuru iyo inofanira kugara yakachengetedzwa. Sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi reWomen’s Action Group (WAG) – kuburikidza nemubhuku rarakatsikisa rinonzi Family Health,

Vana chitsokotsoko l 75 pamurairidzi mumwe chete

VAMWE vabereki vari kunyunyuta nenyaya yekuwandisa kwakaita vana mumakirasi mune zvimwe zvikoro, izvo zvavanoti zviri kukonzera kuti varairidzi vatambure mukuita basa ravo nemazvo.

Eriza bvisa yunifomu

NDINOFARIRA Jah Prayzah. Murume uyu ane chipo chikuru kwazvo, uye ari kutandadza nekufadza vanhu vazhinji. Panguva imwe chete, ari kupembedza mutauro wedu zvekuti unonakidzwa kana ukanzwa achiti:

Zvava muropa: Tete Tilda

TILDA Moyo-Karizamimba, mushamarari ane mukurumbira panhepfenyuro yeStar FM, anoti zvehushamarari zvava muropa uye haafe akazvisiya nekuti ndiko kudya kwake.

Vana vatatu vakany’ura

VANA vatatu vanonzi vakany’ura mudhamu reTausha, mubhuku rakwaChiwi, kuChingwizi kuTriangle svondo rapera apo vaifudza mombe.

Masungiro: Itsika yagara iriko…‘Ndipo panopihwa mukadzi mishonga’ ‘. . . nekudzidziswawo kurera kacheche’

KUBVIRA kare, mudzimai aiti kana aroorwa uye akaita pamuviri pekutanga, kana pave kuda kunosunungukwa aimboendeswa kuvabereki vake kuti anosunungukira ikoko.

‘Tiri kuvaka zvimwe zvikoro’

GURUKOTA redzidzo yepuraimairi nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende iri mushishi kuvaka zvikoro zvitsva zvichitevera kuwandisa kwevadzidzi kune zvimwe zvikoro izvo zvave kuona vamwe vachidzidza mangwanani

×