Kingstone Mapupu
VAGARI vemumusha waNgoni, kuNorton vakava nekushamiswa kukuru mangwanani emusi weChina svondo rapera apo imwe imba yeko yakangobatira moto usina kuzivikanwa kwawakabva ukaparadza midziyo yose yaivamo. Tsaona iyi yakaitika panhamba N355 panova pamba paVaThemba Makowe (50) naMai Felistous Makowe (40) avo vanoti vakatomutswa nemaroja epo imba iyi yatobatira moto.
Mai Makowe vanoti vakashamiswa vachimutswa nekuda kwemoto uyu.
“Takamutswa kuma 2 kunze kwoedza nemadzimai anogara kuseri vachiti imba yapera kutsva. Madzimai aya vanoti Kudzie, Junior naMai Panashe ndivo vakatimutsa tikaona imba yatozara nemoto yakakiiwa nekunze iwo mahwindo akavharwa apo aiputika nemoto,” vanodaro.
Imba yakatsva iri nechekuseri uyo munogara madzimai maviri ayo anonzi ainge asipo pakaitika izvi.
Vanoti vane fungidziro huru yekuti moto uyu wakatangwa nevavengi, zvikuru vemuroja wavo anogara imba yakatsva iyi sezvo vachiti munhu ari kunetsana nemurume waakambogara naye.
“Midziyo yose yaive mumba umu, kusanganisira mubhedha, mbatya nezvimwewo, zvakaparadzwa nemoto uyu asi chakatishamisa ndechekuti takawana gonhi rakaminyurwa nekunze zvairatidza kuti rakaedza kuvhurwa nechisimba. Tine fungidziro yekuti munhu akazopisa akambotanga aedza kuvhura imba iyi,” vanodaro.
Mai Makowe vanoti muroja wemba yakatsva iyi ari kunetsana nemurume wake waakasiyana naye apo ari kuda kuti vadzokerane iye mudzimai achiramba.
“Murume akatora nhumbi dzake dzose akaenda iye ndokusara achigara oga uye ari kufambidzana nezvikomba sezvo achienda kubhawa. Saka hatichaziva kuri kubva dambudziko iri,” vanodaro.
Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa ekuNorton.
Muroja anogara muimba yakatsva iyi haana kukwaniswa kuonekwa neKwayedza kuti ataurewo zvaanofunga nekuda kwemoto uyu.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti vanoda nguva yekuongorora kuti nyaya iyi yakafamba sei.




