‘Mhamha vane musoro wegudo’ l ‘Izvi zvatishaisa varume’ l ‘Ndakautora Mberengwa’

VANASIKANA vasvinu-svinu vatatu veimwe mhuri yekuGokwe vakatiza musha vachisiya vabereki sezvo vachiti amai vavo vanogara nemusoro wegudo nezvikwambo zvavakaromba kuti vapfume.

Vanasikana ava vanoti amai vavo, pamwe chete nemwanakomana wavo, hanzvadzi yevatatu ava vanobata-bata – izvo zvavatadzisa kugara kuvarume.

Vasikana ava vakatonopotera kwaMudzviti nekumapurisa eko ndokuzoendeswa kwamambo vachiti vaoneswa ndondo nezvinhu izvi, zvimwe zvacho zvinovaita vakadzi pamadiro.

Mudare raMambo Njelele, VaMoses Misheck Njelele, makapinda nyaya yevanasikana vatatu ava, vose vabva zera – Esenia Magama (38), Elinah Magama (35) naMercy Magama (32) – avo vari kuti “mhamha” (amai) na”bhudhi” vavo vanogara nemusoro wegudo nemimwe mishonga izvo zviri kufurufusha mhuri.

Mudare iri, amai nemwanakomana wavo ava vanonzi vakabvuma kuti vane zvinhu izvi uye vakakumbira mambo kuti avabatsire kutsvaga n’anga kana maporofita vane simba rekuzvibvisa.

Kusvika svondo rapera apo vatori venhau vakashanyira dunhu iri, musoro wegudo nezvikwambo zvinonzi zvaive zvichiri pamusha apa uye vanasikana ava vakatopata vachinogara kumwe.

Amai nemwanakomana wavo, uyo ane mudzimai vekuMateta 2, kwaMambo Mukoka, vanonzi vakabuda pachena kuti musoro wegudo uyu wanoushandisa sedivisi rekurima nekuti mombe nezvimwe zvipfuyo zvavo zviwande.

Nyaya iyi yakazonoputika kwaMambo Njelele mushure mekunge amai nemwanakomana wavo ava vamhan’arirwa nevanasikana zvichitevera matambudziko avanonzi vanosangana nawo, anosanganisira kuitwa vakadzi nezvikwambo.

Mambo Njelele vanoti kuti nyaya iyi izosvika kudare ravo, vanasikana vatatu ava vakange vanopotera kumapurisa nekwaMudzviti paGokwe Centre vachida kubatsirwa.

Mambo Njelele vanoti: “Ndine vanhu vekwaMambo Mukoka vakauya mudare rangu nenyaya yemusoro wegudo uyo unonzi unogara muhozi nemubhedhuru. Musoro wegudo uyu unonzi unoshandiswa pakurima uyewo kuti mombe dziwande.

“Vanhu ava vanosanganisira amai nemwanakomana wavo nemudzimai wake. Vakabvuma nyaya iyi pakabudawo kuti pane nyaya yechikwambo chinoshungurudza vanasikana chichivaita vakadzi.

“Kunze kwedivisi, mumhuri iyi munofiwa zvichinzi zvinokonzerwa nezvikwambo zvinonwa ropa revanhu uye pane vakafa vachitaura nemweya yezvikwambo.”

Mambo Njelele vanoti vakazoshevedza mhuri iyi kudare ravo apo nyaya yemusoro wegudo yakabuda pachena ndokuvati vadzokere kwamambo wavo Mukoka vonotsvaga vanovabatsira.

“Ndakavati vanotsvaga vanovabatsira izvo nanhasi uno zvavachiri kuita uye dambudziko ravo harisati rapera. Vasikana ava vakatiza mishonga iyi zvekuti vave kutogara paGokwe Centre,” vanodaro Mambo Njelele.

Ocean Magama, hanzvadzi yevasikana ava, anonzi akabvuma mudare kuti iye naamai vake vane musoro wegudo wavanogara nawo mumba.

“Vauya pano, Ocean Magama naamai vake nemudzimai wake vakadura kuti vane musoro wegudo uyo wavanoshandisa mukurima nekuti mombe dziwande uye kuti kana dzabiwa kana kurasika dzidzoke. Zvinoreva kuti musoro wegudo uyu ndiwo unofudza mombe,” vanodaro Mambo Njelele. Achitaura neKwayedza, Esenia anoti akaratidzwa dehenya remusoro wegudo nemuroora wake mudzimai waOcean, Fungai Mukaro, iro anoti rakatorwa pasi pemubhedha.

“Muroora wangu, Fungai Mukaro, akandiratidza dehenya remusoro wegudo achiti vanorishandisa kurimisa nekuti mombe dzikabiwa kana kurasika kumafuro dzidzoke kumusha. Dzinotinhwa nechinhu ichi.

“Paakanditaurira, muroora wangu aitodada nazvo, akati dehenya iri vakaita rekupihwa,” anodaro Esenia.

Anoti mushure mezvo, vakazotanga kusangana nematambudziko ekufirwa mumhuri vamwe vachibatwa nemamhepo, kusaroorwa, kurambwa nevarume nekushayawo mari.

Ivo vasikana vatatu ava vakarambana nevarume, izvo zvavanoti zviri kukonzerwa nemusoro wegudo nezvikwambo zviri mumusha mavo. “Takatiza kumusha nekuti amai vedu vekutibereka, Angeline Magama, tikavati tifambe tibvise zvinhu izvi havadi. Vanoti mwanakomana wavo nemuroora havana chavakakanganisa.

“Tinoshaya mari muzvikwama pasina watinoona achipinda mumba kuitora uye tinoshinhwa nesu nezvatisingaone.

“Munin’ina wangu Sarah Magama akafa achichema sembudzi zvikwambo zvichitaura paari,” anodaro.

Elinah naMercy vanotsinhira matambudziko avari kusangana nawo. Elinah anoti akaenda kun’anga zvose nekumaporofita uko akanoudzwa nyaya dzezvikwambo zvinonzi zviri mumusha mavo. Mercy anotiwo anobuda mukaka mumazamu iye asina mwana mucheche izvo zvinonzi zvinokonzerwa nekuyamwiwa nezvikwambo.

“Ndinobuda mukaka mumazamu kubva mugore ra2011 asi mwana wangu atova Grade 5. Izvozvi baba vedu vanorwara nekuda kwemishonga yemumisha iyi. Ndinoshayawo ma$100 muchikwama, makiyi ekusaloon kwangu anongotsakatika ndozoakandirwa kumberi kwangu nechinhu chandisingaone,” anodaro Mercy.

Mumhuri iyi makafa vanhu vakatevedzana vanosanganisira Sarah uyo akazvisungirira naFungai uyo akafa nekurwara uye mumwe akarohwa nemheni.

Baba vanonzi vanorwara ndiVaNikasio Magama, avo dambudziko ravo rinonzi rakabva pakushereketa kwemumusha umu. “Pakafa mumwe achirohwa nemheni, nyaya yekushereketa mumusha medu yakabatwa uye zvemusoro wegudo zvikabuda. Izvozvi tasara 7 pavana 10,” anodaro Mercy.

“Takatora maporofita 4 vose vakatadza kubvisa mishonga iyi. Imwe n’anga ndiyo yakakwanisa kubvisa chimwe chinhu muhozi maamai,” anodaro.

Kwayedza payakaenda kuMateta yakanotaura nemurume anonzi ndisahwira hwemhuri iyi, VaIsaac Chikambi (56), wemubhuku raDhune, uyo akabvuma kuti ndiye akapa Ocean musoro wegudo.

“Ini baba vangu vakanditi ukawana musoro wegudo unoita kuti mombe dziwande uye hadzinetse kufudza, dzinochengetwa nemusoro uyu dzichidzoka kudanga dzoga. Kunyangwe dzikabiwa dzinodzika,” vanodaro VaChikambi.

“Ndakanotora musoro wegudo uyu kuMberengwa uko kunobva mudzimai wangu ndokuuya nawo kuno ndikatanga kuushandisa. Ndaiisa mvura mumusoro uyu nesauti mombe dzichinwa dzikabva dzawanda zvikuru. Ocean, uyo anova sahwira wangu, akazouyawo akautora ndokuenda nawo kumba kwake. Izvozvi ane mombe dzinodarika 40,” vanodaro.

Asi VaChikambi vakazosanduka voti upfumi hwaOcean ndehwekushanda, kwete zvemishonga sezvinofungirwa nevamwe.

“Musoro wegudo uyu hauna chiripo, Ocean anoenda kuBotswana achinouya nemasolar achichinjana nemombe, kushanda chete,” vanodaro.

Sahwira uyu akaramba kudura kuti paakaendesa musoro wegudo kuna Ocean iye akasara asina mumwe here.

VaPascal Ngombe (72), vanova muzukuru wemhuri yekwaMagama, vanoti Ocean akabvuma kuti ane musoro wegudo waanoshandisa sedivisi.

“Sekuru Ocean vakabvuma pajekerere kuti vakatora musoro wegudo uyu sedivisi rekuti mombe dziwande nekurimisa. Avawo sekuru vakuru vanorwara vanonzi vakadyiswa rukuvhute rwemwana mucheche netsvina yakatorwa pajira rinoshandiswa nemadzimai anenge ari panguva yavo,” vanodaro VaNgombe.

Kwayedza payakaperekedzwa kumba kwaOcean nepaMbuya Magama nevasikana vatatu ava, yakawana pasina vanhu apo mudzimai waOcean akazosanganikwa naye mumugwagwa asi ndokuramba kutaura nevatori venhau.

“Handina nguva yekutaura nemi, siyanai neni,” akadaro achidarika.

Patsika dzechivanhu, mwana haanange mubereki huroyi uye anonzi akaita izvi anozotanda botso.

Vasikana ava vanoti kune vanoda kuvabatsira padambudziko remhuri iyi vanogona kuvafonera panhamba dzinoti 0784 807 044 kana 0779 690 966 votaura naMercy kana Esenia.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×