Mapurisa ivai mucherechedzo wakanaka munyika: Matibiri

Muchaneta Chimuka
MAPURISA eZimbabwe Republic Police anokurudzirwa kuita basa ravo nemazvo pamwe nekupa mucherechedzo wakanaka kune veruzhinji. Kurudziro iyi yakaitwa naDeputy Commisioner-General (Operations) Innocent Matibiri nemusi weChipiri svondo rino apo vaivhura zviri pamutemo musangano wezvidzidzo zvekuvandudza mabatirwo ebasa nemapurisa ari muzvikamu zvinosangasira vanoona nezvekudyidzana neveruzhinji, vakushi vemashoko namatikitivha, muHarare.

Mapurisa aya aidzidziswa zvakaita sekushanda neveruzhinji zvakanaka, kudyidzana nevatori venhau nenyaya dzehutungamiriri.

Dep Comm-Gen Matibiri vanoti mapurisa anofanira kushanda zvine mutsa vachitevedza gwara rakanaka zvinova zvinobatsira mukuumba nyika ine remangwana rakajeka.

“Ndinofara zvikuru kuti chirongwa ichi chaitwa kutanga kwegore uye chichakubatsirai kuti munge muchidzoreredzeka mupfungwa maringe nemabatirwo ebasa akanaka.

“Mupurisa munhu anofanira kuva nechimiro chakajeka ari mucherechedzo wakanaka kune veruzhinji.

“Kuuya kweruzivo rwechizvino-zvino rweInternet kunofanira kucherechedzwa zvakasimba nekuti kunogona kuumba kana kukanganisa mafambisirwo emashoko,” vanodaro.

Vanokurudzira mapurisa ari muchikamu chinoona nezvekufambiswa kwemashoko kuti vaite basa ravo nemazvo vachiti kufambiswa kwemashoko kunogona kuumba kana kuputsa nyika.

“Mapurisa makangofanana nemunyu, kana munyu ukapera simba haukwanisi kuti udzoreredzwe simba rawo asi kuti unoraswa uchitsikwa-tsikwa pasi petsoka.

“Tinoda kuti murambe muine chisungo chekuchengetedza hunhu, runyararo neruremekedzo rwenyika yenyu.

“Zvinhu zvakaipa kuti mupurisa uwanikwe uchifambiswa mifananidzo yako nemabasa akaipa kuburikidza neInternet nemumapepanhau munyaya dzakashata nekuti zvinoshoresa,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa nemutauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vachiti mapurisa anoona nezvekufambiswa kwemashoko akakosha zvikuru sezvo vachiita kuti veruzhinji vazive zviri kuitika kuburikidza nemasangano enhau.

Vakatenda zvikuru rutsigiro rwavakapihwa nesangano reSilveira House iro rakatsigirwa kuitwa kwemusangano uyu.

Mukuru weSilveira House, Father Gibson Munyoro, vanoti chishuwo chavo ndechekusimudzira kudyidzana kwakanaka pakati pemapurisa neveruzhinji.

“Silveira House isangano reRoman Catholic iro rakavambwa mugore ra1964 naFather Dove uye rakatanga richiita mabasa etsitsi akadai sekubatsira vechidiki nemadzimai anotambura munzvimbo dzakaita seMabvuku, Highfield neMbare richivawanisa kudya nepekugara. Taibatsira zvakare mukudzidziswa kwemadzimai mumabasa akasiyana senzira yekusimudzira vanhu,” vanodaro.

Vamwe vakuru vemapurisa vaive apa vanosanganisira Chief Staff Officer (Operations) Senior Assistant Commissioner Benard Dumbura.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×