Tongai ‘Chirandu’ Tarubona odzoka mudariro
MUIMBI weAfro-Pop Jazz, Tongai ‘Chirandu’ Tarubona anoti ari kuumba patsva chikwata chake cheThe Black Identity apo ari kutarisira kutanga kuita mashoo munguva pfupi iri kutevera.
Akauraiwa Nemuti Weraki
Muchaneta Chimuka naDaphne Machiri MUKADZI wepaTsanga Farm, mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuChitungwiza, akafa achidemba kuromba mushonga weraki kwaakaita uyo unonzi wakamupandukira ukasanduka kuita nyoka nerwaivhi izvo aifungidzira kuti
Hatitangirei kuzvikoro: Chirambadare…‘matarenda ari muvana’
MUCHINDA wekumbonetsa achitambira kuchikwata cheDynamos, Stanley “Samora” Chirambadare, anoti kuti mutambo wenhabvu wemuno usimukire, nyanzvi dzakaita mukurumbira kare dzinofanirwa kushanda nevezvikoro
MAONERO EDU: Kuroodza vana: Sungisai vanhu
SVONDO rino tine nyaya inoratidza kushaya hanya kwakadarikidza kana kuti kusakoshesa vanasikana kuri kuitwa nevamwe vabereki vekuChiredzi avo vanonzi vari kuroodza vana pwere vachipihwa zvekudya zvakaita sechibage, zviyo
Voroodza vana nezviyo, mhunga…‘Inzara inotuma kudaro’
HUROMBO nenzara zvinonzi zvapfunya chisero kuChiredzi, mudunhu reMasvingo, zvekuti dzimwe mhuri dzeko dzave kuroodza kana “kuchinjanisa” vanasikana pwere nesaga rimwe chete rezviyo, mhunga kana remapfunde.
Kuita maronda mukanwa
MARONDA emumukanwa chirwere chinogona kungonyuka chega asi pane dzimwe nguva chinokonzerwa nemhando yechikafu chinenge chadyiwa nemunhu.
Handina daka naBenzema: Valbuena
MATHIEU Valbuena anoti haana dambudziko kana akanzi atambe muchikwata chimwe chete naKarim Benzema vachitambira nyika yavo France.
Ndaipinda nemashefu: Pfambi…‘Handizive kwandakawana hiv’…‘Hapana achada kana kundiona’
MUKADZI wepapurazi reTsanga, iro riri mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuChitungwiza, akabuda pachena kuti aiita chipfambi uye ane utachiona hweHIV, apo akapinda-pinda nevarume vakawanda, vamwe vacho vaanoti
Akarumwa nenguruve yepamusha l ‘Tinongoti iyi itsaona bedzi’
MUKADZI wechikuru wemubhuku raChaitezvi, kwaShe Seke, pamwe chete nehanzvadzi yake vakasangana nemanenji nguva yadarika apo vakarwiswa nenguruve yemumusha ndokusara vakuvara zvekunoponera kuchipatara.
Gadziriro dzemutambo weshasha dzoitwa
GADZIRIRO dzemutambo weZimbabwe Soccer Legends neAfrican Soccer Legends dzakatanga svondo radarika kuRimuka Stadium, kuKadoma apo pakaona chikwata cheNorthern Region chichitamba necheSouthern mumutambo










