‘Tiri kugadzirisa kushomeka kwematicha’

HURUMENDE inoti iri kushushikana zvikuru nekuda kwedambudziko rekushomeka kwevadzidzisi veScience neMathematics muzvikoro zvesekondari uye iri kutora matanho akasimba akananga kugadzirisa mamiriro ezvinhu

‘Ndinochengeta amai vangu, kwete mwana’

Kudakwashe Chinokuya VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati haana mari yekuchengeta mwana wake asi yekuriritira amai vake. Spiwe Mutare akadhonzera Prince Mutini kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta

‘Handina mari, ndinotochengetwawo’

Kudakwashe Chinokuya SAMUSHA wekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wake nenyaya yekuriritira mwana wake akachema-chema achiti hapana kana kobiri raanokwanisa kubhadhara sezvo achitochengetwawo nevabereki vake. Peggy Goredema

Harare Basketball League yokwangwaya

SANGANO reHarare Basketball League riri mushishi kutsvaga vakotsveri vanokwanisa kuritsigira kusimudzira mutambo uyu zvichitevera kutanga kwakaita mitambo yeligi masvondo matatu adarika.

Vandudzai dzidzo: president

DZIDZO yemuZimbabwe inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti ifambirane nezvinodiwa munyaya dzebudiriro muupfumi hwenyika sezvinangwa zveZim-Asset, mutungamiriri wenyika President Robert Mugabe vanodaro. Zim-Asset chirongwa chakananga kuvandudza upfumi hwenyika

Hurongwa hwemari dzemazamanishoni

HURUMENDE inoti vabereki vave kubvumidzwa kubhadhara mari yekuti vana vavo vakwanise kunyora bvunzo pashoma nepashoma nechinangwa chekuda kuenzanisa kodzero yedzidzo kumwana nemamiriro akaita nyaya dzeupfumi munyika. Hurongwa hutsva hwekubhadhara

A-LEVEL — PAFUNGE: Joe anobvunzurudza Rudo nezvemapiritsi

Ticha Tichaziva CHITSAUKO 20 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Iyi ndiyo tsamba yakaverengwa naRudo apo ainge agere nemurume wake mudhorobha reGweru aine pamuviri paJoe. Tsamba iyi inotanga kumupaza musoro akazova nepfungwa…

O-LEVEL —NDIKO KUSASANA: Lily anouya pamba panogara Mugadzi

Ticha Tichaziva CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Musi uyu pfundi yati dzingwei nehwahwa rume ndokutora rimwe bhodhoro mufiriji ronwa zvaro. Anoshevedzera mukadzi wake ndokumbomira achida kuona kuti ari kuterera…

Kufunda handi mapepa bedzi

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mugabe vanoti dzidzo yemuZimbabwe inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti ifambirane nezvinodiwa munyaya dzebudiriro yeupfumi hwenyika sezvinangwa zveZim-Asset. President Mugabe vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare apo

Baba vakamitisa mwanasikana

Muchaneta Chimuka MURUME wekuGlen View 3, muHarare akamira mudare achipomerwa mhosva yekubata chibharo mwana wemukoma wake ane makore 15 okuberekwa kwegore rose kusvikira abata pamuviri. Murume uyu, uyo ane makore 20…

×