‘Nyorai nyaya dzinovaka nyika’
SANGANO reEcumenical Church Leaders Forum rinokurudzira vatori venhau kuti vaite basa ravo nemazvo nekuburitsa nhau dzinosimudzira nyika kwete dzinokonzera kusagadzikana kana mhirizhonga.
Manyuchi odzokera kumusha . . . Akabatsira nherera
SHASHA yetsiva Charles Manyuchi svondo rapera akabatsira nherera dzepaMother Teresa Children’s Home kwaMutoko nenhumbi dzekupfeka ndokutsidza kuramba achiyamura pane zvose zvadzingade.
‘kwayedza inotipa manyemwe’
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinotenda bepanhau reKwayedza nebasa rariri kuita rekusimudzira mutauro weShona pamwe nekubatsira vana vechikoro muchidzidzo ichi kuti vagobudirire pabvunzo.
Chabvondoka kuChibuku Super Cup
KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kunhandare dzakasiyana kutanga musi weMugovera apo zvikwata zvose zvemuCastle Lager Premier Soccer League zvichatamba mumutambo weChibuku Super Cup.
Maticha wedzerai ruzivo: Dokora
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vadzidzisi vavandudze ruzivo rwebasa ravo kuburukidza nekuenderera mberi nefundo kuti vafambirane nenguva.
Mufundisi Akaponda Mai Mufundisi . . . Ndokuviga chitunha mudhishi, pasi pemubhedha
MUFUNDISI wechechi yeLiving Word Church kuBeatrice akasungwa nemapurisa eko achipomerwa kuponda mudzimai wake ndokuviga chitunha chake pasi pemubhedha asati atizira kuMalawi.
Agrifoods yatekeshera nenyika
KAMBANI ine mukurumbira wekuwanisa kudya kwezvipfuyo yeAgrifoods yatambarara serunyemba sezvo yave kuwanikwa kumativi mana ose enyika nedonzvo rekuti varimi vasatambure kuwana zvekudya zvezvipfuyo zvavo.
Wese ane utachiona hwehiv anganwe maarv here?
HURUKURO inganetse nhasi uno ndeye kuti munhu angatanga kunwa mapiritsi emaARV apo anenge angoonekwa kuti ane utachiona hweHIV here?
‘Imbodzingirirai zvechikoro’
VANA vechikoro vari kukurudzirwa kuti vakoshese zvidzidzo zvavo sezvo fundo iri nhaka yeupenyu kwete kumhanyirira zvisina zera navo zvakaita sekuroorwa kana kuroora.
Ndinorwadziwa zvikuru: Bunjira
SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu, Alois Bunjira, anoti bhora revatambi vechidiki vemuno rakaurayiwa nekuda kwezvirango zvakatemerwa chikwata chenyika chemaWarriors nesangano reFifa kuti chisaende kuWorld Cup 2018 kuRussia.










