Chitunha chakamuka: Musha wochenurwa
NYAYA yemusikana wekwaNembudziya, kuGokwe, wekunzi chitunha chake chakamuka kwadarika mazuva matatu afa, ndokudya bota nekudzvuta mvura, pashure ndokuzofazve, yave nepamwe.
‘Pfari haitapuriranwe, musasarure varwere’
SANGANO reEpilepsy Support Foundation Zimbabwe (ESFZ) riri kukurudzira veruzhinji kuti vasasarure varwere vepfari uye kuti vanhu ava vatsigirwe munyaya dzekusimudzira utano hwavo.
Barcelona yorambira naPedro
ERIC Abidal anoti Barcelona icharwa nepainogona kuti Pedro arambe ari kuchikwata ichi asi hunge Joan Laporta akasarudzwa kuve mutungamiriri wacho.
‘Mumahofisi handimo bedzi mune mabasa’
SANGANO reUnited Nations Education Scientific and Cultural Organisation (Unesco) rakanyorerana chibvumirano nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari icho chichakurudzira kushanda pamwe chete mukuvandudza zvidzidzo
A-LEVEL — PAFUNGE: Rudo anoenda naJoe
CHITSAUKO 15 (Ongororo: Enderero mberi) Mukaona munhu kana achinge ava mukuru, akambovewo pwere achiita zvinhu zvechidiki, nekudaro hapana chinhu chinoitwa nepwere chaangataurirwa. Mumwe munhu anogona kunge akamboita zvinhu zvakaipa, ndokuzoona…
Akarikitwa nezvigure
MUKOMANA wechidiki anogara kuMakomo Extension, kuEpworth, wekubuda muKwayedza achifumura mabasa ezvigure, anoti upenyu hwake hwava panjodzi zvichitevera kurohwa kwaakaitwa nevamwe vakomana vanove zvigure vachiti sei akataura kune veruzhinji pamusoro pezvakavanzika…
— Mudzidzisi raira —HUKAMA
CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kune mumwe murairidzi ari Dewe Primary School, kuGokwe
‘Pasipoti yakatorwa kwaRG nenjuzu’
MUSIKANA wekudura kuti aigara pasi pemvura nenjuzu kwemakore akawanda anoti pasipoti yake yakanotorwa nenjuzu kumuzinda unopa magwaro ekufambisa aya kwaRegistrar-General, muHarare, ikaendwa nayo pasi pemvura
Uri kusechwa mweya wako
NDINODA Mwari zvekuti handidi kutamba nevanhu vanotamba naMwari. Mumazuva ano, chechi dzave kutyisa kunge nyoka. Unoenda kuchechi uchitarisira kunonzwa shoko rechokwadi, rinoswededza pedyo naMwari, asi shoko
Madzishe oenda kuyunivhesiti
GREAT Zimbabwe University nesangano rinomirira madzishe munyika, reZimbabwe Chiefs Council, vakawirirana kuti yunivhesiti iyi idzidzise pachena madzishe nemadzimambo anosvika 272 zvidzidzo zvakananga kuvandudza ruzivo



