Ndoramba ndakanyarara here?
MAKASIMBA here tete? Ini ndiri murume ane makore 52 ekuberekwa, ndakaroora uye ndine vana vashanu. Dambudziko rangu nderiri: Mukadzi wangu anogara kumusha ini ndichigara mudhorobha nevana, vamwe vacho vakaroorwa. Nemudzimai…
Africa: Kumhanya handi kusvika
CHINA manenji (mashura) hachifambisi. Chinonanaira kusvika chasvika panzvimbo. Zvimwe chete neAfrica nesuwo tiri kukusvitsai pazuva rokupemberera zuva iri musi wa25 May.
Ini ndiri musikana ane makore 21 ndinotsvagawo murume ane makore 25
NDINOKUTENDAI veKwayedza ndakazomuwana wandaida saka vose vachiri kufona pa0778 002 994 chiregai henyu. **** Ndinokumbirawo kuti vachiri kufona pa0778 002 994 vachirega nekuti ndakazomuwana wandaitsvaga.
MUPOROFITA AONA MOTO . . . ‘Ndinogara ndichibhurwa semwana’
Memory Lemani MUPOROFITA wechikadzi wekugarobhurwa neshamhu semwana mudiki nemurume wake pose pavanonetsana pamwe achivimbiswa rufu anoti asvika pakukanda mapfumo pasi ndokutizira kumba kwemukoma wake.
‘Mwana haadye firiji kana motokari’
Memory Lemani SAMUSHA wekumomoterwa nezvikwereti akaenda kudare achiti mari yaanobvisa kuchengeta mwana wake yamuremera. Cephas Muzvondiwa akaenda kuHarare Civil Court nechikumbiro chekuti adzikisirwe mari yaari kubhadhara kumudzimai wake, Muchineyi
‘Dzosai roora rangu’
Garnet Zvimba MURUME wekuvhunditsira mudzimai wake achiti anoda kumuuraya pamwe chete naamai vake kana asina kudzorerwa mari yake yeroora akazochechuka amiswa mudare redzimhosva.
Oramba kuchengeta mwana akarema
Memory Lemani VANHU vaive mudare vakaoma mate mukanwa apo mumwe mukadzi akati murume wake akamutiza achimusiya nemwana wavo uyo akaremara mitezo ane makore 18 okuberekwa asi asingakwanise kana kuzviitira chii…
Kunokorwa tsoka chii?
TSIKA yekushereketa kuburikidza nekunokora ivhu repanenge patsika tsoka yemunhu, iro rinozogadzirwa nemishonga nechinangwa chekuda kumurwarisa kana kumupa rushambwa, inonzi yakagara iriko kubvira nakare.
Swanson odzvokora mukombe wechishanu
SHASHA yekutirena mabhiza anokwikwidza mumijaho yakasiyana, Kirk Swanson, anoti ari kugadzirira zvakasimba kuti bhiza rake — Mighty Sha — rigohwina mumakwikwi eCastle Tankard gore rino.
‘Torai Pasuwa naChidzambwa’
VAMWE vatsigiri nevaongorori venhabvu vanoti mutambo uyu unogona kusimukira zvikuru kana shasha mbiri dzekurairidza dzinoti Sunday “Mhofu” Chidzambwa naCallisto Pasuwa vakashanda vose muchikwata chenyika




