Shasha pamapena >Shaya, Chunga naStix vaive pamberi >Asi Muparutsa yaive katsi pakuabata
Abel Ndooka MUMUTAMBO wenhabvu vatambi vakasiyana vanogona kuita mukurumbira nekuda kwezvinzvimbo zvavanenge vachitambira vari zvakaita sekuva mubati wepagedhi, chivharo chaicho kuvatambi veshure, kuziva kunwisa kana kuti kugona kurova bhora remugadzikirwa,…
Mukadzi azvara gudo…Nyamukuta akatiza . . .Riri benyu, rine mvere -Aya mashura: Mambo
Kingstone Mapupu MUSHURE mekuita mwedzi mipfumbamwe akatakura mimba uye achitarisira kusununguka mwana wake wechitatu, mukadzi wekwaChireya, kuGokwe, akazozvara gudo. Mambo Chireya nevemhuri yakaitika mashura iwaya vanoti aya mabasa evaroyi asi vachiri…
Muroora Anorova Vamwene…murume wake akayeva
Kingstone Mapupu CHEMBERE inogara mumusha weMarlborough, muHarare, inoti iri kuoneswa chitsvuku nemuroora wayo uyo wainoti anogara achiirova pamadiro apo mwanakomana wayo anenge akayeva. Mbuya Viniah Nyarai Mupanduki (64), avo imba yavo…
Tine chikwereti che$63m cheCadetship: Gandawa
Tandayi Motsi HURUMENDE ine chikwereti chemari inosvika US$63 miriyoni kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro zvakaita semayunivhesiti pamwe nemakoreji iyo inobhadharirwa vadzidzi vanoshaya pamwe nenherera pasi pechirongwa cheCadetship Scheme. Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri
‘Kutemwa kwemiti kwakoka nzara’
Malven Mugadzikwa VERUZHINJI vari kuyambirwa kuti vasangoteme miti asi kuti vachengetedze masango sezvo kuparadzwa kuri kuitwa miti zvisina tsarukano kuri kubatsira mukukonzera kusanduka kwemamiriro ekunze izvowo zviri kukanganisa manairo emvura…
Makarwe akabvutidzana mwana
Kingstone Mapupu VAGARI vekuTsakare, kuMt Darwin, vakasara hana dzavo dzizere nekutya uye kurwadziwa apo vakaona mumwe mwana wemakore 11 okuberekwa achiuraiwe uye mutumbi wake uchibvutidzanwa nemakarwe maviri murwizi. Mwana uyu anonzi…
Kubara mhuka: Kumwe kwakamboitika
Muchaneta Chimuka ONGORORO yakaitwa neKwayedza padandemutande inoratidza kuti zvinogona kuitika kuti munhukadzi azvare chimhuka chakaita segudo, mbudzi kana nyoka. Kana mhukawo dzinokwanisa kubereka zvinhu zvinoshamisa, zvimwe zvakaita sevanhu. Muno muZimbabwe, kuGweru uye
Mudzidzisi anodei pamwana? -‘Vanoudzirwa maanza, vopihwa mari’ -‘Vamwe vanogara beya mberi kwedu’ -‘Musatambe chikudo nevana vedu’
Muchaneta Chimuka CHIPO (14) musikana ane muviri wakakura uye ari kuita Form 2 pane chimwe chikoro chemuHarare. Pachikoro ichi pane mumwe mudzidzisi wechirume ari kugara achichiva mwana uyu. Nekufamba kwenguva anopedzisira…
ZRP iri kudzoka muPSL: Tutani
Abel Ndooka MURAIRIDZI weZimbabwe Republic Police Football Club, iyo iri muligi reNorthern Region Division One, Arthur Tutani, anoti ari kushanda nesimba kuti adzose chikwata chake muPremier Soccer League zvichitevera kugadzwa…
‘Hatisi kufarira mutengo wefodya’
Kingstone Mapupu VARIMI vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwekudzikira kwemutengo wefodya kubva pakatanga mwaka uno masvondo matatu akadarika uye vari kukumbira Hurumende kuti ipindire munyaya iyi sezvo vachiti vari kubiridzirwa nevanotenga. Kwayedza…











