Vatambi vetsiva vokwangwaya
Nyasha Mutena SHASHA dzemutambo wetsiva yemadzimai, Monalisa Sibanda naDiana Makumbe, vanoti vari kurarama hupenyu hwegwakumukwaku zvisinei nembiri yavanayo uye ishuviro yavo kuti dai pawanikwa vakotsveri vanovatsigira. Muhurukuro neKwayedza, vaviri ava vanoti…
Zvinoitika, hapana huroyi: Dr Moyo
Muchaneta Chimuka CHAMANGWIZA wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti nyaya dzekuzvarwa kwezvinhu zvakaita setumhuka nevanhu dzinokwanisa kuitika. Izvi zvinotevera nyaya yemukadzi wekuGokwe uyo akazvara gudo munguva pfupi yadarika. “Munyika…
‘Vana fumurai vadzidzisi ava’
Munyori weKwayedza MUKURU wesangano rinorwira kodzero yedzidzo yevanasikana, Tag A life International, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe vanoti vabereki ngavatsigire vana vavo mudzidzo nekuvawanisa zvinodiwa. “Vanasikana ndivo vari panyatwa huru padambudziko iri nekuti…
Chiurwi: Gomo rinoera -Vanodzingirirwa nezvimhuka nenyoka -Mombe 40 dzakatsakatika zvachose
Kingstone Mapupu MUGOMO reChiurwi, iro riri kwaMakuvise kwaShe Nyashanu mudunhu reBuhera, muri kuitika masaramusi anotyisa zvichitevera kudzingiririrwa kunonzi kwakaitwa vamwe vanhu nemhuka nenyoka dzisingazivikanwe rudzi rwadzo nguva pfupi yadarika. Mujinga megomo…
‘Uhu huroyi hwemberi’
Munyori weKwayedza MUKURU wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), Bishop Johannes Ndanga, vanoti nyaya yemudzimai wekuGokwe wekusununguka gudo ine chekuita nemabasa emweya yerima uye vari kuvimbisa kuti sanganao ravo…
HIV ndakaiwana kupi?
KWAMURI tete Ndiri mukadzi ane makore 30 okuberekwa, ndakawanikwa uye ndine mwana wangu mumwe chete. Murume akandiwana ane wakewo mwana waakaita tisati taroorana. Zvino ndakabata pamuviri gore rapfuura asi pandakanonyoresa mimba…
‘Tinorwira murume, pfuma’
Garnet Zvimba VAKADZI vaviri vari pachipari, avo vanoti vanogarorwira murume pamwe nepfuma, vakazoendesana kudare apo mumwe wavo aiti apfidza nekuzvindikitwa. Tsitsi Masawu akamhan’arira Emily Maradza kuHarare Civil Court achida gwaro…
Bazi roti zhizha raakupera
Kingstone Mapupu BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze reZimbabwe Meteorological Services Department rinozivisa kuti mwaka wezhizha wave kusvika pakunopera izvo zvinogona kukanganisa zvirimwa zvizhinji munyika sezvo zvichiri kuda mvura yakawanda kuti zvinge…
Gamba Dr Edison Sithole ropembedzwa
MABASA akanaka haarovi, uyewo inhaka yomusiidzanwa kwete kumhuri chete, asi pasi rose. Izvi ndizvo zvakaitwa nechikoro chedzidzo yapamusoro-soro, cheUniversity of South Africa (UNISA), chakapembedza gamba rorusununguko — Dr Edison Furatidzayi…
Nditsigei, nditurei isina magumo!
MABASA kuwanda muzvere kurarira tsenza, zvichisetsawo kana mbavha yakahwanda. Gore negore munhu anoramba achingoti, “Gwendo guno hazvikoni!” Kusvika riini? Kusvika madhongi amera nyanga ingori, “Nditsigei, nditurei; Nditsigei, nditurei!” Asi, zvakanzi…









