KuMabvuku vonwa mvura yakachena

Muchaneta Chimuka VAGARI vekuMabvuku, muHarare, avo vange vakatarisana nedambudziko rekushomeka kwemvura yekushandisa mudzimba kwenguva refu, vachabatsirikana zvikuru zvichitevera kucherwa kwakaitwa chibhorani munzvimbo iyi kuburikidza nemushandirapamwe wesangano maviri.

Fodya yotanga kutengeswa

Kingstone Mapupu MWAKA wekutengeswa kwefodya unotarisirwa kuvhurwa musi waKurume 4 uyo unove wanonoka zvikuru kana zvichienzaniswa nemamwe makore sezvo uchiwanzotanga pakati pemwedzi waKukadzi. Sangano reTobacco Industry Marketing Board (TIMB) rakazivisa mashoko…

Vakadzi 2 dhuma kumendenenzi

Hardway Nyakuwarwa SHASHA yekusadarikwa nemadhirezi yakazoshaya pekupinda apo vakadzi vayo vaviri, avo vakange vasingazivane, vakadhumana padare vachida mari yekuchengeta vana. Nyana Sepe naSandy Tanazia vakaendesa Kasim Sepe kuHarare Civil Court vachiti…

19 vakafira mumvura

Nyasha Mutena MAPURISA ekuMashonaland East anoti ari kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita njodzi dzevanhu vari kufira mumvura. Mashoko aya anotevera rufu rwevanhu 19 mutsaona dzerudzi urwu kubvira pakutanga kwegore rino. Mutauriri…

Ndichiri mhandara pa43

KWAMURI tete, Makasimba here tete. Ndiri mudzimai ane makore 43 okuzvarwa, ndiri kuZvishavane munyika yaShe Masunda, mubhuku rokwa Gore Matava. Muhupenyu hwangu handina kumboziva chinonzi murume panyika. Vose vaindipfimba vaingondisiya.…

Kwayedza yava 50c

Munyori weKwayedza GENERAL Manager veZimpapers Harare Branch, VaSamuel Bepe, vanozivisa vaverengi kuti bepanhau reKwayedza richadzika mutengo waro kubva pa$1 kuenda pa50c kutanga musi waKurume 1. Izvi zvinoreva kuti Kwayedza resvondo…

IMBWA HAIHUKURE SADZA: Mubhanana haubereke magwavha

MUZIMBABWE mave nedambudziko rekushaikwa kwechokwadi nyangwe munzvimbo dzachinofanirwa kuwanikwa. Nyangwe nevaisimbove nenyadzi, vave kungoita sevane mamhepo. Kana uri murombo muZimbabwe, unooneswa nhamo nemaporofita achikutorera mari shoma

Vakasarudzwa nevamwe vaverengi

SVONDO rapera Kwayedza yakati vaverengi vadome mazita evatambi vavanofungira kuti ndivo shasha dzeDeMbare kubva payakavambwa muna1963 kusvika zvino. Hevanoi vamwe vakatumirwa nevamwe vaverengi:

Dynamos: Shasha 11 (1963-2015)…. . . sekuona kwaShaya naMukwesha

GORE rino Dynamos FC ichasvitsa makore 52 kubva payakavambwa muna1963 uye ndicho bedzi chikwata munhorowondo yenhabvu muZimbabwe chakwanisa kutora mukombe werigi kwemakore mana akatevedzana.

FAO yotsigira kurima neus$4m

SANGANO reFood and Agriculture Organisation, kuburikidza nehomwe yaro yeAfrica Solidarity Trust Fund, rakapa US$4 miriyoni kubazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro yekubatsira mukurwisa zvirwere zvezvipfuyo pamwe

×