Seed Co yakapemberera makore 75
Muchaneta Chimuka AKANGE ari makuwerere nomusi weChishanu chadarika muguta reHarare apo kambani huru inouchika mbeu yeSeed Co Zimbabwe yakange ichipemberera kusvitsa kwayo makore 75 ichiita basa iri. Mhemberero idzi dzakaitirwa kumahofisi…
‘Zvibhakera zvandipfidzisa’
Hardway Nyakuwarwa MUKADZI wekugarozvindikitwa nemurume wake zvekuitwa kafiramberi pamwe nekusariritirwa akazoguma anopotera kumatare uko akadunura achiti upenyu hwakange hwamuomera. Patience Chimanikire akamhan’ara kuHarare Civil Court achida kuti apihwe $500
Mudzidzisi paNust onzi akatiza mhuri
Garnet Zvimba MURAIRIDZI wepayunivhesiti yeNational University of Science and Technology (NUST) wekunzi akatiza mhuri ndokuisiya ichikwangwaya akazochechuka amiswa mudare ndokunzi abvise $300 yevana vake. Theresa Rashau akaendesa Obey Sibanda kuHarare Civil…
‘Runyoka rwakanaka, kuchengetedza’
Kingstone Mapupu RIMWE godobori pamishonga yechivanhu kuChitungwiza, Mbuya Marita Ried, vanoti hapana chakaipa pakushandisirana mishonga yerukawo pakati pevakaroorana sezvo iri inzira yekuchengetedzana. “Izvi hazvina kuipa nekuti kazhinji munhu wese wechirume akasvika…
haumhorese mudzimai wemuridzi neruwoko
Unobatwa nerukwa ‘Ukapindwa nechando’ ‘Kuchengetedza mudiwa’
MAONERO EDU: Mishonga ngairape kwete kukuvadza
SVONDO rino tine dzimwe nyaya dzinorovesa hana pamwe nekush amisa, kuti chokwadi zvinhu zvakadai zviri kuitika here munyika yeZimbabwe. Nyaya yekutanga ndeye kuGokwe, uko kunonzi kune mwana ane mwedzi mishanu yekuberekwa…
Varume checheudzwai: Mambo Chikwaka
Malven Mugadzikwa VATUNGAMIRIRI vanokurudzirwa kuti vave pamberi mukusimudzira chirongwa chekuchecheudzwa kwevanhurume nedonzvo rekudzivirira kutapurirana kwezvirwere zvepabonde pamwe neutachiona hweHIV. Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika naMambo Chikwaka,
Redknapp otsvaga basa
HARRY Redknapp anoti achange asimba zvekutanga kurairidza nhabvu mwaka unotevera. Redknapp, uyo akarairidza Queens Park Rangers kwemakore maviri, akasiya basa mwedzi uno sezvo ange achishushikana nemabvi ake.
Girls High yakarambira nemukombe
Abel Ndooka CHIKWATA cheGirls High svondo rapera chakarambira nemukombe mumutambo weGirls High Blue Bay Invitational Under-20 Basketball Tournament uyo wakatambira pachikoro ichi muHarare. Zvakadaro, pamutambo wevakomana, Marlborough High ndiyo yakakunda zvimwe
Ongororo yezvirimwa yoitwa
Kingstone Mapupu NYANZVI dzinoona nezvekurima kuchikamu cheArex kuMashonaland Central dziri mubishi kutenderera dunhu rose iri dzichiongorora kutandavara kwakaita minda yakarimwa mwaka uno pamwe nehuwandu hwezvipfuyo nedonzvo rekuona mamiriro ezvinhu izvo…











