Cde jz Moyo vakabata basa guru

RIMWE remagamba akavigwa pamarinda eNational Heroes Acre ndiCde Jason “JZ” Ziyaphapha Moyo avo vaive mutevedzeri wemutungamiriri webato reZAPU munguva yehondo yekusunungura Zimbabwe kubva muhutongi hwevadzvanyiriri.

Cde Moyo vakafira kuZambia musi wa22 Ndira 1977 zvichitevera kuputika kwakaita bhomba iro vakange vapihwa sepasuru.

Vakavigwa patsva muZimbabwe musi wa11 Nyamavhuvhu, 1981.

Cde Moyo vakadzidzira basa rekuvaka pamwe nekuveza uye vakazopinda mune zvekumiririra vashandi kuBulawayo kumakore ekuma 1950.

Vakazove nhengo pamwe nasachigaro webato reSouthern Rhodesian African National Congress (ANC) kuBulawayo.

Cde Moyo vakambosungwa nekuda kwenyaya dzematongerwo enyika mugore ra1959.

Vakazove nezvigaro zvakasiyana mumapato anoti ANC, NDP, ZAPU nePCC.

Panguva yakarambidzwa mapato aya kuita nezvatongerwo enyika, Cde Moyo vakaenda kuLusaka, Zambia, senhengo yeZAPU inoshandira kunze kwenyika uko vakanoronga nzira dzekurwisa mabhunu.

Muna 1976, vakave mutevedzeri wechipiri (second vice-president) weZAPU.

Vakaumba ZIPRA iro raive uto reZAPU kwemakore akawanda vari kunze kwenyika pamwe nekutsvaga rutsigiro rwehondo yerusununguko pasi rose.

Vakashanda nesimba zvikuru kuti pave nekubatana pakati pemauto eZANLA neZIPRA mukurwisa hutongi hwemabhunu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×