Chabvondoka muPSL

Abel Ndooka

MWAKA wenhabvu weCastle Lager Premier Soccer League wa2025 uchatanga nemusi weChishanu svondo rino apo vakomana vatsva veScottland FC vachatatsurana neTriangle United.

Svondo radarika, Dynamos yakasangana neSimba Bhora mumutambo weCastle Challenge Cup uyo unotambwa nezvikwata zvinenge zvakahwina mukombe weCastle PSL neChibuku Super Cup mwaka wadarika.

Mutambo uyu wakazohwiniwa neDeMbare chikwata chaLloyd ‘Mablanyo’ Chigowe icho chakakunda Simba Bhora 5-3 kumapena sezvo wainge wapera uri mangange 1-1.

Scottland FC ichasangana neTriangle United kuRufaro Stadium muHarare nemusi weChishanu.

Chikwata cheScottland chimwe chezviri kutarisirwa mwaka uno nekuti chakapinda muPSL ndokubva chatanga kutenga vatambi vakawanda vepamusoro vanosanganisira Khama Billiat, Walter Musona, Lynoth Chikuhwa naGodknows Murwira.

Scottland FC

Pamusoro pezvo, Scottland yakatora Tonderai ‘Stanza’ Ndiraya kubva kuSimba Bhora achangobva kuhwinisa chikwata ichi mukombe wePSL kurakidza kuti mwaka uno yakaurongera zvikuru. Nerimwewo divi, Simba Bhora iri kutanga nekurwira kuchengetedza mukombe wayo wePSL iri pamusha payo apo ichasangana neFC Platinum kunhandare yeWadzanayi Stadium kuShamva nemusi weMugovera.

Simba Bhora mwaka uno ichange ichirairidzwa naJoel ‘Dubai’ Luphahla uyo akatsiva Stanza.

DeMbare, iyo yakagara mudenga rechinomwe zvichitevera kuhwina kwayakaita mukombe wayo wekutanga svondo radarika, ichange iri pamusha payo muHarare ichitatsurana neZPC Kariba nemusi weSvondo.

Vamwe vakomana vatsva zvekare veMWOS vachasangana neHighlanders kuBaobab Stadium nemusi weSvondo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *