MaChevrons onyora nhoroondo

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chichaenda kuTrent Bridge, kunyika yeEngland munaChivabvu kunotamba mutambo mumwechete weTest Match nemaThree Lions.

MaChevrons akapedzisira kuenda kunotamba nechikwata cheEngland mugore ra2003.

Mutambo uyu wakagamuchirwa zvikuru neZimbabwe Cricket iyo iri kushanda zvakasimba kusimudzira cricket uye izvi zvinotevera kutamba kwakaita maChevrons neIreland nguva pfupi yadarika mumitambo yeTest Match, One Day International Series neyeTwenty20 International Series.

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, sachigaro wesangano iri – Tavengwa Mukuhlani – anoti mutambo weZimbabwe neEngland uchabatsira zvikuru mukusimudzira cricket.  Anoti shuviro yeZC kuona maChevrons achidzokera pachinzvimbo chaaive kare mumutambo uyu.

“Isu seZimbabwe Cricket, makore 10 adarika range riri basa redu neshuviro yedu kuti tidzokere pamusoro mucricket pasi rese, izvo tine chivimbo chekuti takwanisa kuzviita.

“Zvichangobva kubuda mumutambo wedu neIreland zvinotipupurira kudaro.

“Tiri kusimukira, ndine chivimbo chekuti ticharamba tichisimukira uye tichazvirakidza munaChivabvu patichaenda kuEngland,” anodaro Mukuhlani.

Mutambo uyu unotevera hurukuro dzakaitwa namanaging director weZC – Givemore Makoni – neaimbove chamangwiza weEngland and Wales Cricket Board, Tom Harrison.

Mukuhlani anoti: “Tinoda kutenda managing director wedu, Givemore Makoni neaimbove chamangwiza weECB, Tom Harrison, avo vakashanda nesimba vachiita hurukuro nevanhu vakasiyana vari kuECB kuti mutambo uyu ubudirire.”

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *