Muimbi Kapfupi arwara

Kingstone Mapupu

MUIMBI ane mukurumbira – Freddy “Kapfupi” Manjalima, uyo anove zvakare shasha yemitambo yemadhirama – anoti ari kurwara nemudumbu umo mamutambudza kwenguva yakareba.

Kwayedza nemusi weChipiri svondo rino yakashanyira Kapfupi kumba kwake kuEpworth apo yakawana asipo ndokumuridzira nhare akabuda pachena kuti ari kudzimbikana.

“Handiko kumba, ndiri kudzimbikana zvekuti ndamboenda kuchipatara muno muEpworth. Mudumbu mangu hamusi kuita zvakanaka, ndinogara ndichinetsekana nema’acids’. Saka izvozvi ndichamboongororwa nemachiremba kune imwe kiriniki iri muno muEpworth.
“Hamheno kuti vanondiregera nguvai, asi ndiri kurwadziwa, munondinetsa mudumbu umu,” anodaro Kapfupi.

Anoenderera mberi achiti, “Ndinoita zvangu zvakanaka, ndagara ndichidaro nedambudziko iri rema’acids’. Hamheno dzimwe nguva ndinoda kuita maronda mudumbu.

“Nhasi hamukwanise kundiona, hamheno pamwe zuva rodoka chairo ndambopedza kuonekwa nachiremba. Kana kuti tozviita mangwana, ndinenge ndakazorora kumba nemishonga yandiri kupihwa.”

Akazotanga kuseka zvake nemunyori uno achiti hurwere hwake haisi Covid-19.

“Ma’acids’ mukoma wangu, zvamurimi vatori venhau munoguma mave kufambisa shoko rekuti ndakuvara neCovid, haisi mudumbu umu.
“Hamheno, pamwe Covid yacho ikauya nemudumbu asi haisi. Taurai kuti ndakuvara nema’acids’ chete. Mozouya muchindiona ndabva kuno,” anodaro Kapfupi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×