Trust Freddy
MAPURISA ekuBikita akasunga madzimai matatu, kusanganisira chembere mbiri, nemhosva yehumhondi apo vanonzi vakaisira mwanasikana ane makore mana ekuberekwa muchetura mumupunga senzira yekutsiva kunetsana kwavainge vaita nevabereki vake nekuda kwembudzi dzaidya zvirimwa zvemumwe wavo.
Violet Gamera (60), Chamunorwa Kwanga (60) naRegina Tavengerwei (30) vemumusha waMandinyenya, kuBikita vanonzi vakarangana kuisira mwana uyu, Sabina Maziva muchetura muchikafu senzira yekutsiva mhosva inonzi yainge yaparwa nevabereki vake.
Mapurisa anoti pakaita gakava renguva ndefu pamusoro pembudzi dzainzi dzaienda dzichinoparadza zvirimwa zvaGamera.
Vabereki vemwana uyu vanonzi vakanetsana naGamera nekuda kwekuparadzwa kwezvirimwa zvake nembudzi dzavo.
Mukuferefetwa kwakaitwa nyaya iyi, zvakabuda kuti nemusi wa1 Gumiguru, 2025, Gamera anonzi akapa mwana uyu mupunga une muchetura izvo zvakaita kuti apihwe mubhedha muchipatara ndokuzofa musi wa5 Gumiguru.
Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakazobuda mushure mekunge veruzhinji vanyumwa ndokukurudzira vabereki vemufi kuti vamhan’are.
“Mufi akavigwa musi wa8 Gumiguru 2025. Zvakabuda pachena kuti mwana uyu anogona kunge akaisirwa muchetura izvo zvakazoita kuti veruzhinji vaendese nyaya iyi kwaMambo Ziki, avo vakaudza amai vemushakabvu kuti vamhan’are kumapurisa, ayo akazowana mushonga wemakonzo pamwe newedonje unofungidzirwa kuti wakashandiswa mukupara mhosva iyi,” vanodaro Comm Nyathi.



