Chenjedzo pamusoro pemalignant melanoma

Dr Blessing Zambuko
GOGO Blandina Dete (harizi zita ravo chairo) ndimbuya vanozikanwa zvikuru avo vashanda vasina kana chavakapfeka mutsoka dzavo muminda yavo kwehupenyu hwavo hwose.

Rimwe zuva vanoona kuzvimba nechepahudyu yavo yekuruboshwe asi havaite hanya nazvo.

Kwapera masvondo mashoma-shoma vanhu vemubhuku ravo rose vakave nekuchema kukuru sezvo Gogo vakashaya apo vaive varere.

Vakafa nekuda kwechirwere chegomarara chinonzi

malignant melanoma.

 Malignant melanoma imhando yegomarara iyo masero ayo anobva kumelanocytes ayo anopa ganda redu ruvara rwebrown.

 Mhando yegomarara iyi inobata zvikuru kuvanhu vakadai semasope uye inokonzerwa nekukuvadzwa kunoitwa ganda nekupisa kwezuva.

Malignant melanoma inowanikwa zvakare kuvanhu vatema sezvakaitika kuna Gogo, asi kazhinji hainei nekukuvadzwa kweganda nezuva asi kuti inenge yakahwanda munzvimbo dzinosanganisira kumicheto wemuromo uye nemboni yeziso.

Pane imwe mhando yegomarara iri inowanikwa muvanhu vatema inonzi acral lentiginous malignant melanoma iyo inoita mutsoka, mumaoko pamwe nepasi penzara.

Mhando yegomarara iyi inopararira nemuviri wose nekukasika.

 Tariro yose haina kuraswa, zvisinei nekuda kwekuti melanoma inokwanisa kuonekwa ichangotanga.

Munhu anokwanisa kuongororwa nachiremba anoona nezveganda. Panogona kubviswa chimwe chidimbu chenyama chidiki-diki panzvimbo inenge iine chirwere ichi icho chinozoongororwa kuti denda iri rizivikanwe mamiriro aro pamwe nekurapwa.

 Munhu wose wose anokwanisa kuzvidzivirira kubatwa nemelanoma nekurega kuenda panze uye kupiswa nezuva zvakanyanya.

Vanhu vanogara munzvimbo dzinopisa zuva zvikuru vanofanira kupfeka nguwani pamwe nekuvhara ganda remuviri wavo nepose pavanokwanisa.

Zvakakoshawo kuti munhu agare achiongororwa nachiremba wake kuitira kana kana akabatwa nechirwere ichi chigorapwa chichangotanga.

Chiziviso: Ruzivo ruri muchinyorwa chino harureve kuti runofanira kutsiva mazano anokwanisa kupihwa nachiremba akadzidzira basa pamusoro pekuongororwa nekurapwa. Ruzivo urwu ruripo chete kuti vanhu vangove nezvavanoziva.

 

Zviri pamusoro pemunyori: Dr Blessing Zambuko ndiconsultant pathologist kuLancet Clinical Laboratories

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×