Chess yotambwa padandemudande

Abel Ndooka

VATAMBI vechess vemuno vakaremara mitezo vachakwikwidza mumutambo wavo wekutanga weInternational Chess Federation Online Olympiad vachitamba kuburikidza nedandemudande (online).

Mitambo yechess haina kumbobvira yakanganiswa nekumiswa kwakamboitwa mimwe mitambo pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Sangano reWorld Chess Federation rakatanga kufambidzana nenguva kare izvo zvakaona mitambo ichitambwa kuburikidza nedandemutande.

Mutambo uyu uchatanga musi wa27 Mbudzi uye uchatambwa kwemasvondo matatu.

Zvikwata zvichakwikwidza mumutambo uyu zvichabva muAfrica, Europe, Asia nekuAmerica.

Zimbabwe ichange ichimirirwa nevatambi vana vanoti Tapiwa Gora, Chikafu Onai, Natasha Shonhiwa naTafadzwa Mashonganyika.

Mutauriri weZimbabwe Chess Federation, Thabo Elisha anoti mutambo uyu wakakosha zvikuru kune vatambi vemuno sezvo uchavabatsira nekuvawanisa mikana yakasiyana.

MuAfrica, Zimbabwe iri muboka rinonzi Zone 4.5 umo mune zvikwata zvakawanda asi kubva muboka iri nyika ino neZambia chete ndizvo zvakakwanisa kubudirira kuti zvigokwikwidza mumitambo iyi.

“Tiri kutarisira zvikuru kuti vatambi vedu vagokwikwidza mumitambo iyi uye tinoda chaizvo kuti vagohwina.

“Chess yange ichingotambwa zvayo, haina kunyanyokanganiswa nekuda kwelockdown sezvo taikwidza padandemutande nekudaro mutambo uyu uchatotambirwa padandemutande. Ndizvo zvakanakira chess nekuti mumwe anotambira ari kunyika yake mumwe ari kwaari, hapana chikonzero chekuti musangane sezvinoitwa mune mimwe mitambo,” anodaro Elisha.

Vatambi vemuno vachange vachitambira vari pamahofisi eZimbabwe Chess Federation ayo ari paJoina City muguta reHarare.

Shasha dzichahwina pamutambo uyu dzichawana  menduru nemimwe mibairo yakasiyana.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×